Wednesday, November 26, 2014 Local time: 00:10

Nhau / Africa

Mtukudzi Osvitsa Makore Makumi Matanhatu eKuberekwa neChishanu

Oliver Mtukudzi Oliver Mtukudzi
x
Oliver Mtukudzi
Oliver Mtukudzi
Michael Kariati
Muimbi wemuZimbabwe ane mukurumbira pasi rose, Oliver Mtukudzi, ari kusvitsa makore makumi matanhatu neChishanu apo ari kuitirwa mabiko munhandare yeGlamis muHarare.

Mtukudzi achabva kumba kwake kuNorton akatakurwa nechikopokopo kusvika muHarare umo acharidza mimhanzi nevamwe vemuZimbabwe nevari kubvawo kunze kwenyika mukupemberera kusvitsa kwake makore makumi matanhatu ekuberekwa.

Mtukudzi achashanyirawo nzvimbo dzese dzemuHarare dzinosanganisira dzinogara veruzhinji nekunogara mbozha ari muchikopokopo. Mumwe weavo vari kuronga mhemberero dza Mtukudzi,  VaJosh Hozheri, vanoti zvinhu zviri kufamba zvakanaka chose.

Mtukudzi anoti veruzhinji vanofanirwa kuuya vakagadzirira  kumadira tivhange achange aripo, sezvo achange ari kwenguva yakareba achiimba nzimbo nevamwe vake.

Sekutaura kwaVaHozheri, vacharidza pamhemberero idzi vanosanganisirawo muimbi ane mukurumbira munyika, Alick Macheso, nevamwe.

Kunyange hake asvika makore makumi matanhatu, Mtukudzi anoti achiri nenguva refu kwazvo achiridzira veruzhinji sezvo achaburitsa mamwe madambarefu.

Pari zvino, Mtukudzi ane madambarefu anosvika iwo makumi matanhatu uyezve ari kutora nguva yemhembero iyi kubuditsa damba refu rake idzva rinodaidzwa iro kuti Sarawega. VaHozheri vanoti Mtukudzi anofanira kupihwa rukudzo mushure mekusimudzira mureza weZimbabwe pasi rose.

Mtukudzi akatanga kuimba mugore ra 1977 apo akabatana nechikwata cheWagon Wheels icho chaivawo nemuimbi Thomas Mapfumo uyo ane mukurumbira zvekare munyaya dzemimhanzi muZimbabwe nekunze kwenyika.

Vakabuditsa Dzandimomotera, iyo yakatengwa zvikuru. Mushure mezvo,  Mtukudzi akazobuditsa dambarefu rake rekutanga, Ndipeiwo Zano, iro rakatengwa zvikuru mugore ra 1978.

Mutukudzi, uyo anofarirwa zvikuru muAfrica, anoimba achisanganisa zviwanikwa zvemimhanzi kubva mumarudzi akasiyana siyana muZimbabwe.

Asi mimhanzi yake, iyo inoshevedzwa neruzhinji kuti Tuku Music, ine kamusiyano nemimhanzi yevaimbi vakawanda muZimbabwe avo vanoda kuita mbiri nekutevedzera zviri kuimbwa nevamwe.

Muimbi uyu akaroora, uye ane vana vashanu nevazukuru vaviri.
Mwanakomana wake, Sam, uyo aizivikanwawo zvekare munyaya dzemimhanzi, akashaya muna 2010 mutsaona yemotokari.

Mwanasikana wake, Selmor, ane mukurumbira wakewo munyaya dzemimhanzi akazvimirira ega.

You May Like

British Experise: Zimbabwe Haisi Nyika Yakanakira Mabhizinesi eKunze

Gwaro raburitswa nerimwe sangano rekuBritain, rinonzi British Expertise zvichitevera kushanya munyika kwechikwata chevamabhizimisi chekuBritain mwedzi wapfuura rinoti Zimbabwe haisi nzvimbo yakanaka kuita mabhizinesi. Onai zvimwe

VaMnangagwa naVaMoyo Vanodhingura Amai Mujuru?

Dunhu reMashonaland Central rasiya mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vari pamhene zvichitevera kusadomwa kwavo kuti vapinde muCentral Committee yeZanu-PF musarudzo dzaitwa neChipiri mudunhu iri. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

Varimi veDonje neVabatsiri Vavo Vogura Muchato

Varimi vedonje gore rino vanonzi vachatarisana nedambudziko hombe zvichitevera kubuda muzvibvumirano zvekushanda nevarimi kunonzi kwaitwa nevanga vachitsigira varimi nezvekurimisa Onai zvimwe
LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media


This forum has been closed.
Comments
     
There are no comments in this forum. Be first and add one

Facebook