Accessibility links

Breaking News

Vaive Vashandi veShabanie Mine Voburitswa Mudzimba


Vashandi vemumigodhi
Vashandi vemumigodhi

Vaive vashandi vepamugodhi weShabanie kuZvishavane mudunhu reMidlands vanodarika zana nemakumi matatu vanoti vakaburitswa mudzimba dzekambani iyi dzavanga vachigara mumusha weMaglas, mushure mekunge vamiswa mabasa.

Mumwe wevaive vashandi ava, uye ave pamudyandigere, VaAndrew Lunga, vanoti ivo nevamwe vavo vanga vachiri kugara mudzimba idzi sezvo vasati vapiwa mari dzavo dzemihoro kubva muna 2009, pamwe nemari dzavo dzemudyandigere.

VaLunga, avo vasati vaburitswa muimba yavari kugara, vanoti midziyo yevakaburitswa mudzimba ava iri kungogara panze uye vazhinji vavo vari kurara panze munguva ino yechando.

Vanoti vaive vashandi ava vari kupiwa chiziviso chemazuva maviri nevakuru vemugodhi weShabanie chekuti vabude mudzimba idzi, kukundikana kubuda voburitsirwa midziyo nezvikonzi.

Vanoti dzimba dzavari kudzingwa idzi dziri kuzorojeswa kuvana vechikoro chepamusoro soro cheMidlands State University.

Studio 7 yakundikana kubata vakuru vekambani ye Shabanie Mine sezvo nhare yavo yanga isingadairwi.

Asi VaLunga vanoti vave kutengesa zvinhu zvakaita sematomati kuti vakwanise kuunganidza mari dzekubhadhara magweta anovamirira kuti vasaburitswa mudzimba idzi.

Migodhi yeShabanie neGaths, iyo yaimbove muchinhambo chechitanhatu pakucherwa kwe asbestos pasi rose, yaimbove nevashandi vanosvika zviuru zvishanu panguva yayaishanda zvakanaka.

Mugore ra1996, migodhi iyi, iyo yaive pasi pekambani yeShabanie Mashaba Mines (SMM), yakatengwa namuzvinabhizimusi Mutumwa Mawere pasi pehurongwa hwainzi nevamwe hwakanga husina kujeka.

Mugore ra2004 migodhi iyi yakatanga kuparara iri pasi paVaMawere mushure mekunge vatanga kupomerwa mhosva yekukuruka hurumende mari yakawanda kwazvo.

VaMawere vakatizira kuSouth Africa, asi hurumende yakambozama kuti vadzoswe kumusha vamiswe mumatare edzimhosva.

Izvi zvakundikana, hurumende yakazoisa makambani aya pasi payo, izvo zvakabva zvatonyanya kuanyudza mumatope.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG