Accessibility links

Breaking News

Magetsi Ovhiringa Chirongwa cheZimbabwe Dispension Program muSouth Africa


Sangano reZimbabwe Migrants Association rinoti kushaikwa kwemagetsi mudzimwe nzvimbo muSouth Africa kwaita kuti vanhu vakawanda vanobva kuZimbabwe vanga vachifanirwa kubvunzurudzwa muchirongwa che Zimbabwe Special Dispensation vatadze kubatsirwa neMuvhuro.

Vanhu ava vanzi vadzokere kudzimba dzavo sezvo kwanga kusina magetsi.

Mutauriri wesangano iri, VaDaniel Muzenda, vanoti kunyange hazvo vamwe vanga vaudzwa kuti vauye neMuvhuro, vazodzoswa kudzimba vachinzi vazodzoka rimwe zuva sezvo nzvimbo dzavanga vadaidzwa dzanga dzisina magetsi.

South Africa inonzi yakatarisana nedambudziko rekushaya magetsi izvo zviri kupa kuti apote achidzimwa dzimwe mudzimwe nzvimbo.

Chirongwa chekubvunzurudzwa ichi kuti vanhu vazopihwa magwaro ekugara munyika iyi zviri pamutemo chichapera kupera kwaZvita.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG