Accessibility links

Breaking News

Vagari Vopfuya Hove kuMhangura


Vagari vekuRichmond kuMhangura mudunhu reMashonaland West vanoti kuchengeta hove kuri kuyamura mhuri dzakawanda mudunhu iri.

Vagari ava vanoti vari kufara sezvo vave kutengesa hove dzavari kuchengeta vachiwana mari yekubhadharira vana vasina vabereki mari yechikoro uye vave kuwana muriwo unovaka muviri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mumwe mugari wemuRichmond, Amai Rose Kachabwa, vanoti dambudziko rekushaya muriwo rakapera sezvo vave kudya hove dzinovaka miviri.

Amai Kachabwa, avo vane mhuri ine vana vashanu, vanoti vave kuyamurika pamuriwo uye vanoti kudya kunovaka muviri kunokurudzirwa nanamukoti.

Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, Amai Muchadei Garawaziva, vanoti chirongwa chehove chakanaka nekuti vanodya hove dzisati dzagarisa.

Amai Garawaziva vanoti vane tariro yekuchengeta hove dzavo pamba sezvo vakaona zviri nyore kuchengeta hove.

Mumwe mudzidzisi wepaRichmond, VaInnocent Wachenuka, mumwe wevamwe vakatanga kupfuya hove vachiyamurwa nesangano rePamuhacha.

Vanoti pari zvino vari kubhadharira vana gumi nevatanhatu mari yechikoro.

Mwana mumwe chete anobhadhara mari inosvika madhora gumi patemu.

Sachigaro wekomiti inotungamira kuchengetwa kwehove, VaMunjodzi Watsomba, vanoti bhizinisi rekuchengeta hove riri kubudirira sezvo vave kutengesera hove duku vamwe vagari vemunharaunda dzakavapoteredza kuti vachengetewo.

VaWatsomba vanoti pavakatanga kuchengeta hove vakasangana nematambudziko akawanda anosanganisira dambudziko remvura shoma sezvo hove dzichida mvura yakawanda.

VaWatsomba vanoti vanotengesa hove hombe shanu padhora rimwe chete, hove duku chiuru chimwe chete pamadhora zana nemakumi mashanu.

Pari zvino vagari ava vakachera maduhwino matatu ekuchengetera hove.

Mukuru wepaMuhacha, Muzvari Precious Nhapi, vanoti sangano ravo vakaripa zita iri nekuda kwekuti muti unoraramisa vanhu pamwe nemhuka uye unorapa.

Bhizinisi rekuchengeta hove dzichizotengeswa rakatangwa nesangano repaMuhacha iro rinoshanda mudunhu reMashonaland West chete uye riri kuyamura vanhu vakawanda kuMhangura.

Pamuhacha yakatanga bhizinisi rekuchengeta hove nedonzvo rekuyamura vana vechikoro vasina vanovabhadharira mari dzechikoro nekuda kwekuti vabereki vavo vakafa.

Chirongwa ichi chakatangwa pachikoro cheRichmond icho chaimbove imba yepapurazi remurimi wechichena.

Vakuru vechikoro pamwe nevanotungamira School Development Association pavakatambira pfungwa yekuchengeta hove, vakashandura duhwino kuti rive dziva rekuchengetera hove.

VePamuhacha vakapa chikoro cheRichmond hove duku chiuru chimwe chete nemazana mashanu pamwe nechikafu zvekutangisa bhizinisi.

Pari zvino pachikoro pave nemadziva mana ane hove dzinodarika zviuru makumi maviri dzine muzera wakasiyana siyana.

Vagari ava vanoti vanotarisira kuti vanhu vemuRichmond vachachengeta hove padzimba dzavo senzira yekuve nemuriwo uye kutengesa kuti vawane mari yekuzviriritira..

XS
SM
MD
LG