Accessibility links

Breaking News

Kutora Nhau muZimbabwe Kwenge Kufamba Munzira Ine Zvimbambaira


Vatori venhau pamwe nemasangano avanoshandira vanoti vakatarisana nedambudziko guru remitemo inoshungurudza pamwe nekumbunyikidza kodzero dzavo muZimbabwe.

Vatori venhau vanoti kushanda muZimbabwe zvinotyisa sekufamba munzira izere zvimbambaira, nekuti pose paunosimudza gumbo rako, hauzive kuti parichatsika pane chimbambaira here kana kuti kwete.

Pamusoro pekushungurudzwa, zvikuru nevezvematongerwo enyika pamwe nemapurisa, mutori wenhau anotadza kushanda akasununguka sezvo paine mitemo yakawanda inovhiringa mashandiro ake.

Mumwe mutori wenhau anoshanda akazvimirira maMutare, Kenneth Matimati, anoti aneta nekugara achishungurudzwa nguva dzose apo anenge achiita basa rake.

Matimati anoti nguva zhinji anoshungurudzwa zvikuru paenenge achiita basa rake rine chekuita nezvematongerwo enyika. Matimati anoti chimwe chinorwadza maitiro emapazi ehurumende kuvatori venhau vanoshanda vakazvimirira.

Matimati anoti kuwana mashoko kubva kumapazi aya zvakafanana nekutema dombo nyora.

VaMatimati vanoti vatori venhau vanofanira kushanda vakasununguka kuitira kuti vanyatsozivisa veruzhinji chokwadi chezviri kuitika munyika.

Sachigaro wesangano renhepfenyuro yemunharaunda yeMutare isati yoshanda, yeKumakomo Community Radio Station Initiative, KCRSI, Va Tarirai Hungwe, vanoti senhepfenyuro vanosangana nezvimhingamupinyi zvakawanda kwazvo mukuedza kufambisa mabasa avo ekuti vashambadze zvavakamirira kuvagari vemaMutare umo vachange vachizotepfenyurira kana vazova nerezinesi.

Va Hungwe vanoti kubva pakaumbwa KCRSI makore gumi nemaviri apfuura, vari kusangana nematambudziko mamwe chete ekushungurudzwa nemapurisa apo vanenge vachida kuita mitambo yavo yekuti veruzhinji vazive nezvenhepfenyuro yavo.

Zvimwe vanoti zviri kuvakanganisa kusapihwa mukana wekuti nhepfenyuro yavo ipihwe rezenisi kuti itange kutepfenyura kubva kuhurumende izvo zviri kudzorera mabasa avo shure.

Nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti pane mitemo yakawanda inoita kuti mashandiro evatori venhau avaomere.

Gweta rinoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights kwaMutare, VaPassmore Nyakureba, vanoti mitemo inotyora kodzero dzevatori venhau muZimbabwe ine chitsama uye hurumende iri kupeta maoko pamusoro pemitemo iyi nechinangwa chekudzivirira veruzhinji kuti vasawane zvavanoda kubva kumasangano enhau aya.

Matambudziko akatarisana nevatori venhau imwe dzenyaya dzakakurukurwa nguva yapfuura pamusangano wakaitirwa maMutare. Musangano uyu wakapindwawo nenhengo dzedare reparamende.

Vachitaura pamusangano uyu, mumiriri weMabvuku-Tafara muparamende, VaJames Maridadi, vakati mitemo ine chekuita nezvenhau inofanirwa kuvandudzwa nekuchimbidza.

VaMaridadi, avo vakamboshanda kuZBC semushamarari, vanoti vamiriri veparamende vanofanirwa kuramba vachiyeuchidzana kuitira kuti izvi zvigadziriswe.

Nyanzvi munyaya dzekutorwa kwenhau inoshanda neMisa-Zimbabwe, VaTabani Moyo, vanoti zvakakosha kuti mitemo inovhiringa kutorwa nekuburitswa kwenhau, igadziriswe, sezvo mitemo yakadai ichidzosera nyika shure.

Kudzimara hurumende yoremekedza kusunungurwa kwemasai-sai nekuvandudzwa kwemitemo yemashandiro evatori venhau munyika, veruzhinji vacharamba vachirasikirwa nemukana wekunzwa zvavanoda zvisiri kuburitswa nenhepfenyuro pamwe nemapepanhau ari munyika.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG