Accessibility links

Breaking News

Mapato Anopikisa Obvunzwa Kuti Aripi Achisiya Zanu PF Ichitamburisa Veruzhinji


VaMorgan Tsvangirai, VaTendai Biti naVaWelshman Ncube.
VaMorgan Tsvangirai, VaTendai Biti naVaWelshman Ncube.

Veruzhinji vanoti havasi kufara nemashandiro ari kuita mapato ose anopikisa munyika pakatariswa kuoma kuri kuramba kuchiita hupfumi hwenyika.

Veruzhinji vanoti havasi kufara nemashandiro ari kuita mapato ose anopikisa munyika pakatariswa kuoma kuri kuramba kuchiita hupfumi hwenyika.

Vanhu vazhinji munyika vanoti havasisina tarisiro kubva kumapato anopikisa hurumende yeZanu PF kunyange hazvo pasina chiri kufamba muhurumende zvikuru sei panyaya dzehupfumi.

Mumwe wevanhu ava, ndiMuzvare Winnet Chipaga, avo vanogara mumusha weWarren Park muno muHarare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Muzvare Chipaga vanoti chinonyanyovarwadza kunyarara kwakaita mapato aya zvikuru MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai iyo yavanoti yanga yakatarisirwa neveruzhinji kuti itore masimba kubva kuZanu PF.

Zvataurwa naMuzvare Chipaga zvatsinhirwa naAmai Grace Chakazamba vanogara mumusha weMabelreign.

Amai Chakazamba vanoti chiri kurwadza ndechekuti mapato anopikisa ese akangoti tuzu izvo zvinhu zvakaita manyama amire nerongo munyika zvikurusei panyaya dzekushayikwa kwemabasa.

Mumwe mugari wemuHarare, VaJames Jemwa, vanotiwo MDC inotungamirirwa naVaTsvangirai iri kuswera ichipedzera matombo kuzvidhiidhii inzo njiva dzichauya.

VaJemwa vanoti kunze kwekuti vari mubato iri vabatane, vakuru-vakuru mubato iri vari kupedzera masimba mukurwisana kunze kwekuti vatarisane nematambudziko akatarisana nenyika.

VaPhibion Charumbira, avo vanogara kuMbare vatsinhirawo zvataurwa naVa Jemwa vachiti hapana chinofamba kana mapato anopikisa akasabatana kuti aite chirwirangwe pasarudzo dzemuna 2018.

Vati izvi zvinonyanyodaro nepamusana pekuti MDC yapatsanuka kakawanda kubva payakavambwa muna 1999 zvokuti haisisina kusimba kuti ingamisidzane neZanu PF musarudzo dzinotevera.

Asi mutauriri weMDCT, Va Obert Gutu, varamba mashoko ekuti mune kurwisana mubato ravo zvichitevera musangano wekongiresi yebato iri uyo wakasarudza hutungamiri hutsva.

Va Jemwa vanoti tarisiro yavo yave kubato rePeople First iro risati raparurwa zviri pamutemo rinonzi rinotungamirwa nevaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru.

Va Jemwa vanoti People First inofanira kutarisa zviri kutadzwa nemamwe mapato anopikisa akaita seMDC, Zapu, People Democratic Party nemamwe kana ichizoita mutsindo.

Zvichakadai, vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, Va Sydney Chisi, avo vaimbove mutungamiri wesangano re Yidez, vaudza Studio 7 kuti MDC inofanira kudzokera kuvanhu kuitira kuti inzwe kuti veruzhinji vari kuda chii kana yakamira pachokwadi panyaya dzekurwira zvido zveveruzhinji.

Kugunun’una kuri kuita veruzhinji nekutadza kukunda musarudzo dzose dzapfuura kwava kupa veruzhinji kuti vafunge kuti mapato ose anopikisa atsingire munhu mumwechete pasarudzo dzemuna 2018.

Va Gutu vanoti nhaurirano dzekuumba mubatanidzwa wemapato anopikisa dzave pachinhanho chakakura kwazvo zvekuti veruzhinji vanofanira kugara vakateya nzeve.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumamwe mapato madiki ezvematongerwo enyika kuti tinzwe divi ravo.

Kudzamara mapato anopikisa atanga kusimudza musoro panyaya dzezviri kunetsa munyika, veruzhinji vacharamba vachiita sevanhu vakamira pachiteshi vakamirira bhazi rafira panzira.

XS
SM
MD
LG