Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yokwirira Hurumende Matare


VaDouglas Mwonzora
VaDouglas Mwonzora

Bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai rakwira kudare repamusorosoro richida kuti dare iri rimise sarudzo dzeBy-Election dzakaziviswa kuti dzichaitwa muna Kurume mumatunhu eMount Darwin West, nekuChirumhanzi-Zibagwe, richiti hurongwa hwacho hahusi pamutemo.

Hurukouro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Magweta ebato iri, eAtherstone and Cook, anoti asvitsa magwaro awo kudare iri neChishanu achida kuti rimise kugara kwedare rinotambira mazita evanhu vachakwikwidza.

Mashoko atiri kutambira anoti anoti dare reChirumhanzi-Zibagwe rakatogara neChina rikatambira mazita evanhu vashanu vachakwikwidza musarudzo. Vachakwikwidza ava vanosanganisira mudzimai wemutevedzeri wemutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, Amai Auxillia Mnangagwa.

Gweta riri kumirira MDC-T, VaChris Mhike, vaudza Studio7 kuti vanga vakabatikana asi vatenda kuti vasvitsa magwaro aya.

Bato reMDC-T riri kunyunyuta nekusavepo kwegwaro revavhoti pamwe nekushaiswa mukana kwevanhu vanoda kunyoresa kuti vave vavhoti.

Vakwirirwa dare vanoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, avo vakazivisa zuva richiatwa sarudzo idzi, gurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, mabharani mukuru wenyika, VaTobaiwa Mudede, sachigaro weZimbabwe Electoral Commission, Amai Rita Makarau, pamwe nemuchuchisi wenyika, VaJohannes Tomana.

Kunyange haro riri kuendesa hurumende kumatare, bato reMDC-T rakatozivisa kuti harisi kuzopinda musarudzo idzi kana mitemo inobata zvesarudzo isina kugadziriswa.

Mount darwin west yamirirwa nevaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, kuchitiwo Chirumhanzi-Zibagwe yaimirirwa naVaMnangagwa.

Munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti ZEC inofanirwa kuita basa rayo zviri pamutemo pamwe nekutevedzera zvinodiwa nemitemo yesarudzo.

XS
SM
MD
LG