Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inoti Haisi Kupinda Musarudzo dzeBy Elections


Nhengo dze national council ne national executive dze MDC inotungamirwa maVaMorgan Tsvangirai dzinoti bato iri harisi kuzopinda musarudzo dzipi zvacho kana zvinetswa munyaya dzesarudzo zvisati zvagadziriswa.

Misangano miviri yaitwa neChishanu pamuzinda webato iri muHarare paHarvest House, hutungamiri hweMDC-T hwawirirana kuti zvisungo zvakaitwa nekongiresi yebato zvinofanirwa kuremekedzwa.

Zvisungo izvi zvinosanganisira kusapinda musarudzo kana mitemo yesarudzo nezvimwe zvinodiwa isati yavandudzwa.

Pane sarudzo dziri kutarisirwa kuitwa munzvimbo gumi ne ina dzezvigaro zvemu House of Assembly mushure mekunge nhengo dzeMDC Renwal Team dzadzingwa mudare reparamende nemutauriri weparamende, VaJacob Mudenda, dzichinzi dzainge dzisisiri nhengo dzeMDC-T.

Asi muMDC-T mange muine kunetsana vamwe vachiti vanofanira kupinda musarudzo senzira yekudzivisa Zanu PF kutora zvigaro izvi. Asi vamwe vanga vachiti hapana zvazviri kubatsira veruzhinji nekuva muparamende kwe MDC-T kunze kwekuti nhengo dzedare iri ndidzo dziri kuwana chouviri muparamende.

Misangano isati yatanga dzimwe nhengo dzamboratidzira pamuzinda apa dzichiti hadzidi kunzwa kuti bato ravo rapinda musarudzo kudzamara ndima yesarudzo yaenzaniswa.

Vannga vachinyanya kupisa nenyaya yekupinda musarudzo vanhu vabva kuBulawayo avo vanga vachiti havadi kuti Zanu PF ivamirire muparamende, nokudaro MDC-T inofanirwa kupinda musarudzo dzichaitwa musi 10 Chikumi.

Kunyoreswa kwemazita evanhu vachakwikwidza musarudzo idzi kuchaitwa musi 16 Kubvumbi svondo rinouya.

Mutauriri weMDC-T, VaObert Gutu, vanoti hutungamiri hwamira nezvisungo zvakaitwa pakongiresi, nokudaro bato ravo harisi kupinda musarudzo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG