Accessibility links

Breaking News

VaMwonzora Vanoti Vari Kunetserwa Nyaya dzeMatongerwo eNyika


Munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vari kushora vatungamiri vebato reZanu-PF vachiripomera mhosva yekushandisa mapurisa nevachuchusi kuvashungurudza mubasa ravo rehugweta uye munyaya dzezvematongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Izvi zvinotevera kuchenurwa neChina kwakaitwa VaMwonzora nedare repamusoro munyaya yainge yakwidzwa kudare iri negweta guru renyika, VaJohannes Tomana, avo vairamba kutambira mutongo wainge wapihwa nedare remagistrate court.

VaMwonzora vainge vachipomerwa mhosva mbiri dzekushandisa zvisiri pamwero mari yavainge vachengeteswa segweta kana kuti trust funds.

Mutongi wedare repamusoro, VaGarainesu Mawadze, vakati hapana humbowo hwakati tsvikiti hwakapihwa naVaTomana.

VaMwonzora vanoti vaenda kumatare kunodarika makumi matatu, asi vachichenurwa munyaya dzose kunze kwembiri dzasara.

Mhosva idzi dzinosanganisira dzekupomerwa kuba mari, kuita mhirizhonga uye kunyomba mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

VaMwonzora vanoti zvose izvi zviri kuitwa nepamusana pekuti inhengo yeMDC.

XS
SM
MD
LG