Chipiri, Chivabvu 05, 2015 Local time: 21:19

Nhau / Africa

Nhengo dzeMDC Dzinonyimwa Zvakare Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso

Vatsigiri veMDC-TVatsigiri veMDC-T
x
Vatsigiri veMDC-T
Vatsigiri veMDC-T
Thomas Chiripasi
Nhengo dzeMDC inotungamirwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, makumi maviri nepfumbamwe dziri kupomerwa mhosva yekuponda dzanyimwa zvakare mukana wekubhadhara mari yechibatiso kuti dzienderere mberi nekutongwa dzichibva kudzimba dzadzo.

Mutungamiri weboka revechidiki muMDC-T, Va Solomon Madzore, nevamwe vavo makumi maviri nevasere, avo vari kupomerwa mhosva yekuponda mupurisa, Va Petros Mutedza, mumumusha we Glen View muHarare gore rapera, vanyimwa zvakare mukana wekuti vabvise mari yechibatiso kanove keChishanu kubva pakatanga nyaya iyi.

Vachitura mutongo wavo pachikumbiro chakasvitswa kudare nevasungwa ava, mutongi wedare repamusoro, VaChinembiri Bhunu, vati hapana zvitsva pane zvakasvitswa nevasungwa ava kudare muchikumbiro chavo zvinoita kuti vakwanise kupa vasungwa ava mukana wekutongwa vachibva kudzimba dzavo.

VaBhunu vati humbowo hwakasvitswa kudare nehama dzemushakabvu, dzinoti Va Tichaona Mutedza, vanove mukoma wemufi pamwe naVa Solomon Mutedza, vanove baba vemushakabvu hwekuti vakawana mutumbi wemufi usina rurimi pamwe nenhengo dzehurume, hauna kugutsa dare sezvo hama idzi dzisina kumhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

Hama dzemushakabvu idzi dzakaudza dare kuti dzinofungidzira kuti VaMutedza vakapondwa ne Zanu PF ichishanda pamwe chete nemapurisa sezvo dzichiti dzakanga dzatambira mashoko ekuti VaMutedza vakanga vagara vachida kuurayiwa nepamusana pekuti mukoma wavo, Va Tichaona Mutedza, vaive nhengo yeMDC.

VaBhunu vati kunyange hazvo izvi zvakafadza vemapepanhau avo vakazvidhinda pamwe neveruzhinji, mutemo unoti humbowo hunosvitswa kudare hunofanira kutambirika kwete zvemanzwira.

VaBhunu vati Va Tichaona Mutedza, avo vanove nhengo yeMDC, vanoshandisa magweta mamwe chete nevasungwa vakati mufakazi uyu anogona kunge akawudzwa zvekutaura nemagweta aya. Vatiwo havakwanise kupa vasungwa ava mukana wekubhadhara mari yechibatiso sezvo vachiti vakasungwa mbiradzakondo nekukwidzwa kwakaitwa nyaya yekumbonyimwa kwakaitwa vasungwa ava mukana wekubhadhara mari yechibatiso nedare ravo kudare repamusoro-soro reSupreme Court.

Mushure mekuturwa kwemutongo uyu naVa Bhunu, nyaya iri kupomerwa vasungwa ava yaenderera mberi nekutongwa hurumende ichishevedza mumwe mufakazi, Va Victor Matuvhuke.

Mune imwewo nyaya yaitika muHarare neChitatu, vanorarama neHIV/AIDS varatidzira pamahofisi e National AIDS Council vachiti havasi kufara nemashandisirwo ari kuitwa mari dzinobatirwa vanhu dzeAIDS levy.

Mumwe wevaratidziri ava, Va Zhuwawo Sangaroti, vati havasi kufara nemashandisirwo ari kuitwa mari dzeAIDS levy uku vanorarama nehutachiwana vachishaya ma Anti Reviral Drugs, ARVs pamwe nemamwe mapiritsi akaita sema Cotrimoxazole ne Neverapine.

Asi mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa mu National AIDS Council, Va Raymond Yekeye, vati mari iyi iri kubatwa zvakanaka asi chiri kunetsa ndechekuti mari iyi vanoipihwa zvishoma nezvishoma zvinopedzisira zvaita kuti vasatenge mapiritsi nemishonga inokwanira vanhu vese vanoita.

Vanga vachiratidzira ava vati vari kudzoswa kuzvipatara zvizhinji munyika nepamusana pekushayikwa kwemapiritsi aya zvavati vava kutyira kuti zvinogona kukanganisa zvirongwa zvavo zvekunwa mapiritsi aya.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezvehutano, VaHenry Madzoerera, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

You May Like

Vhidhiyo VOA60 Africa- May 5, 2015

The top U.S. diplomat, John Kerry, makes surprise visit to Somalia Onai zvimwe

Ongororo yeHurumende Inoti Goho reMwaka Uno Rishoma

Gwaro remamiriro ezvinhu munyika panyaya dzechikafu reCrop Assessment Report rinoratidza kuti nyika inofanira kutenga chibage chinosvika zviuru mazana manomwe zvematani gore rino kuti vanhu vasaziye nenzara. Onai zvimwe

Vatori veNhau Vocherechedza World Press Freedom Vachigunun'una muZimbabwe

Vatapi venhau munyika vanoti vanoshushikana chose kuti kunyange hazvo bumbiro remitemo richiva kodzero dzekushanda vakasununguka, pachine mitemo inovambunyikidza vatori mukuita basa ravo munyika. Onai zvimwe

Mandiwanzira: Vakuru veTelecel Vopinda Munyika neChipiri Kuzotaurirana neHurumende

Gurukota rinoona nezvehunyanzvi mukufambiswa kwemashoko, VaSupa Mandiwanzira, vazivisa kuti vakuru vekambani yeTelecel International i vari kupinda munyika neChipiri kuzoita musangano nehurumende zvichitevera kukanzurwa kwerezezinisi yekambani iyi svondo rapfuura. Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe
Live Talk

Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes
Indaba Ndebele

Indaba Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
English

English

Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe. Studio 7 in Shona, English and Ndebele can be heard each Monday through Friday evening in Zimbabwe and elsewhere in the Southern African region from 7 p.m. to 8:30 p.m. followed by LiveTalk with hosts Blessing Zulu and Gibbs Dube from 8:30 to 9 p.m. On Saturday and Sunday Studio 7 news runs for an hour from 7 to 8 p.m. Studio 7 broadcasts at 909 on the AM or medium wave band, and on shortwave on the 4930, 7210 and 12120 kiloHertz frequencies. Listeners in the Harare region in particular may experience jamming on 909 AM. Studio 7 can also be received on free-to-air satellite devices during our normal time slot of 7 to 9p.m. and as a repeat of the Shona, English and Ndebele news programs plus LiveTalk from 9:00 to 11:00 p.m. Tune to Studio 7 on Intelsat 10, Virtual Channel (VC) 23. The channel is called VOA Southern Africa and carries other VOA language broadcasts including English, Portuguese and French. The downlink frequ3ency is 12.602 mHz and the symbol rate is 26.6. Downlink polarization is V or vertical. FEC or forward error correction is 1/2. Schedule Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m. Local Time: 7-9 p.m. UTC Time: 1700-1900 Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 30

Facebook