Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inotadzisa Kuparurwa kweChirongwa Chinovaka Misika, Mabhanga neZvitoro


Zanu PF Youths
Zanu PF Youths

Nhengo dzebato reZanu PF dzatadzisa kuparurwa zviri pamutemo kwechirongwa chekuvaka zvitoro nemisika weMupedzanhamo Upmarket 2 dzichiti dzange dzisina kuziviswa nezvechirongwa ichi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanhu ava, avo vachitungamirirwa nakanzura webato iri weWard 4 muHarare, VaMartin Matinyanya, vatiwo havadi kuti varungu pamwe nemakanzura ebato reMDC ave muchirongwa ichi.

Kanzuru yeHarare iri kuita mushandira pamwe nekambani yeConsortio International kuvaka musika nezvitoro pasi pechirongwa ichi chavanoti Shawasha Centre.

Zvinonzi chirongwa ichi chichadya mamiriyoni makumi mana emadhora.

Kuparurwa kwechirongwa kwange kuchifanirwa kutanga na10 mangwanani, asi kwamiswa mushure mekunge VaMatinyanya nenhengo dzeZanu PF vavhiringidzana nevakuru vekanzuru avo vange vachitungamiririrwa nemunyori wekanzuru, VaTendai Mahachi.

VaMatinyanya nevamwe vavo vapopotedzana naVaMahachi vachivaudza kuti vange vasingadi varungu pamwe nemakanzura eMDC muMbare.

Kukavadzana uku kwaenderera mberi kwemaminitsi anodarika makumi matatu izvo zvazoita kuti VaMahachi vaudze vanhu vange vaungana kuti chirongwa ichi chamiswa.

Gurukota rezvematunhu, VaIgnatuis Chombo, avo vange vachifanira kuzoparura chirongwa ichi havana kuzouya mushure menyonga nyonga iyi.

VaMatinyanya vaudza nhengo dzebato ravo kuti vafara nekumiswa kwechirongwa ichi.

Mushure mezvo, VaMatinyanya nevamwe vabva vatanga kutandanisa vanhu vange vaungana.

Vanhu ava vange vachisanganisira vamiriri vekambani yeConsortio International iyo iri kuunza mari yekuvaka musika nezvitoro paChishawasha Centre.

Pange paine vamiriri kubva kumizinda yenyika dzakaita seIran muZimbabwe uko kunobva vamwe varidzi vekambani yeConsortio International iri kushanda nekanzuru muchirongwa ichi.

Mutevedzeri wameya, VaThomas Muzuva, vati havasi kuzotyityidzirwa nakanzura mumwe chete uye vati chirongwa ichi chichaendera mberi zvisinei kuti veZanu PF vanozvida here kana kuti kwete.

VaMuzuva vati zvaitwa kuMbare hazvienderani nezvinotaurwa nehurmende yeZanu PF uye zvinonyadzisa kana mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe.

Vamiriri veConsortio varamba kutaura nesu asi vashatirwa zvikuru zvekuti vazivisa kuti vanogona kubuda muchirongwa ichi.

Mutungamiriri wesangano reZimbabwe Indigenous Economic Empowerment Organisation, VaPaddington Japajapa, vashora zvaitika kuMbare.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi, VaMasimba Manyanya, vanoti zvaitwa kuMbare zvinoita kuti vekunze vasauye kuzotanga mabhimisi muno uye hurumende inofanira kuranga vese vakonzera izvi.

Chirongwa cheShawasha Centre chinotarisirwa kuumba zviuru nezviru zvemabasa sezvo pachange paine nzvimbo dzekutengesera zviuru zvishanu, mushure mezvo pachange paine zvitoro zvidiki zvinosvika zana, kozoti zvitoro zvihombe, zvechikafu pamwe nemahofisi, mabhanga nenzvimbo dzemitambo.

Nhengo dzeZanu PF muMbare dzakatadzisa zvakare sangano reBill and Melinda Gates Foundation kuvaka dzimba dzinokosha mamiriyoni mashanu emadhora muna 2012 uye dzimba idzi dzakatozovakirwa kuDzivareseka.

Mugore rimwero dzakarambidza zvakare muzvinabhizimisi, VaAlex Mashamhanda, kuvaka bhizimisi ravo rekutengesa peturu raikosha miriyoni nechidimbu chemadhora.

XS
SM
MD
LG