Accessibility links

Breaking News

VaChris Mutsvangwa Vodzingwa muZanu-PF


VaChristopher Mutsvangwa
VaChristopher Mutsvangwa

Chimwe chikwata chevakarwa hondo chichitungamirwa negurukota rinoona nezvedunhu reManicaland Muzvare Mandi Chimene chakapa kurudziro yekuti gurukota rinoona nezvevakarwa hondo, uye vari sachigaro weZimbabwe National Liberation War Veterans Association VaChris Mutsvangwa vadzingwe pachigaro chekuva gurukota, kutungamira vakarwa hondo uye mubato.

Muzvare Chimene nevamwe vavo vakaita musangano nevatori venhau manheru eChishanu kuHarare International Conference Centre muHarare vakati VaMutsvangwa nemudzimai wavo Amai Monica Mutsvangwa, munyori mukuru wesangano revakarwa hondo VaVictor Matemadanda vanofanira kudzingwa pazvigaro zvavo.

VaMutsvangwa nevamwe vavo vari kupomerwa mhosva yekusaremekedza mutungamiri weyika VaRobert Mugabe nemudzimai wavo Amai Grace Mugabe.

Asi vachitaura neStudio 7, VaMatemadanda vatio hapana kwavanoenda uye vanhu vari kuti vavadzinga havasi kutevera bumbiro remutemo webato.

Vadzingwa ava vanoonekwa sevanhu vanodyidzana zvakanyanya nechikwata chinonzi chiri kutsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

XS
SM
MD
LG