Accessibility links

Breaking News

Gonzo naChin'ai Zvotosvorana: Amai Mugabe Vonetsana naVaMnangagwa


Amai Grace Mugabe
Amai Grace Mugabe

Mudzimai wemutungamiri wenyika Amai Grace Mugabe nemusi weChishanu vakatanga zvakare misangano yavo nevatsigiri veZanu PF vachitsoropodza chikwata cheZanu PF chiri kuzvidaidza kuti Team Lacoste chinonzi chiri kutungamirirwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachiti chiri kuparadza bato riri kukutonga pamusangano waitirwa ku Chiweshe.

Vachitaura pamusangano wavakaita nevatsigiri veZanu PF paKanyemba Primary School kuno ku Chiweshe neChishanu, Amai Mugabe vasvora chikwata cheTeam Lacoste chinonzi chiri kutungamirirwa naVaMnangagwa vachiti musangano weZanu PF wapindwa napongwe uye havasi kuzopeta mawoko zvakadai zvichiitika.

VaMngangagwa vanonzi ndevamwe vevari muZanu PF varikuda kutora chigaro chemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe kana vachinge vabva pachigaro.

Amai Mugabe vati vamwe vevanhu vakagadzwa muzvigaro zvepamusoro munguva pfupi yapfuura pakongiresi yeZanu PF yakaitwa muna 2014 vatononokerwa nekutonga zvekuti vave kuronga kuuraya mutungamiri wenyika. Vati vanhu vakadai vachadzingwa mumusangano weZanu PF sezvo vachiti vamwe vavo vave kurara kun’anga vachida hutungamiri.

Nekuda kwekukara kunonzi kwavakuita vamwe vanhu vari muZanu PF masimba, Amai Mugabe vati murume ndiye acharamba ari pachigaro uye ndiye achakwikwidza akamirira Zanu PF musarudzo dzemuna 2018.

Vaenderera mberi vachiti havachavimba nevamwe vanhu vavanga vachifunga kuti vachatora matomhu kubva kuna VaMugabe zvekuti vave kutofunga zvekuvadzinga mubato ravo. Vati VaMugabe chete ndivo munhu anogona kuti munyika mugare mune runyararo. Hatina kukwanisa kubata VaMnangagwa kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Zvichakadai, mumwe wevatedzeri vemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko, avo vanga vari pamusangano uyu vati havatarisire kuti kana VaMugabe vanove muZezuru vatsiviwe nemuKaranga.

VaMphoko vakataura kare kuti havasi kuda chigaro chemutungamiri wenyika kunyange hazvo VaMnangagwa vachigara vakasona muromo wavo panyaya iyi.

Amai Mugabe vayambirawo vatsigiri veZanu PF kuti vasateere kubato rePeople First iro risati rapaururwa rinonzi riri kutungamirwa nevaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, vachiti People First yavekudzika midzi munyika.

Amai Mujuru vakadzingwa muZanu PF pamberi pekongiresi yeZanu PF muna 2014 vachinzi vaida kuuraya VaMugabe asi Amai Mujuru vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi vachiti manyepo akakomba.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzaudza Studio 7 kuti pakatariswa zvataurwa naAmai Mugab, VaMugabe vangangoshandura mamiriro emakurukota ehurumende pamwe nekuchinja vanovatevedzera munguva pfupi inotevera.

Zvichakadai, vanowona zvekurongwa kwemisangano muZanu PF, VaSaviour Kasukuwere vati vakazvipira kufa vachitsigira mutungamiri wenyika.

Vapa yambiro kumasachigaro eZanu PF eku Midlands, Mashonaland East pamwe neMasvingo kuti achadzingwa pamusana pemhirizhonga inonzi yakaitika mazuva mashoma adarika vanhu vachirambidzwa kuenda ku Harare kumusangano wePolitburo uko VaMugabe vakatura nevatsigiri vavo vasati vapinda mumusangano wePolitburo uyu neChitatu.

Amai Mugabe vati munhu anofanira kupihwa ruremekedzo munyika vachiti havasi pfambi. Amai Mugabe vanonzi vakatanga kudanana naVaMugabe uku Amai Sally Mugabe vaive mudzimai wemutungamiri wenyika vari panhovo yerufu.

Amai Mugabe vakurudzirawo kuti vari kugovera chikafu vasatarise kuti munhu anotsigira bato ripi kuti apihwe chikafu sezvo nyika yose yakatarisana nenzara vachiti nzara hainei nekuti munhu anotsigira bato ripi.

Kurudziro yaAmai Mugabe iyi inouya apo vatsigiri veMDC vari kugun’una kuti vari kunyimwa chikafu vachipomerwa mhosva yekusatsigira Va Mugabe nebato ravo reZanu PF.

Amai Mugabe vabudawo pachena kuti hurumende yakapihwa mari nehurumende yekuChina kuti pavakwe paramende itsva kumahombekombe kweHarare, ku Mt Hampden.

Vatsoropodzawo nhengo dzeparamende dzisiri kuenda kuparamende vachiti nhengo idzi dzinofanira kuenda kunoita basa rekumirira zvido zvevanhu zvadzakasarudzirwa.

Vamwe vevanhu vanga vari pamusangano uyu vabva vatanga kubva Amai Mugabe vachiri kutaura use vamwe vabva vatanga kuenda kumitsetse yekwanga kuchizogoverwa chikafu.

Mudzimai wemutungamiri wenyika asiyawo agoverawo vanhu chikafu, matarakita, ma computers pamwe nemapatatapata nezvimwe zvakadaro.

Zvichakadaro, munyori mukuru wesangano reZimbabwe Liberation War Veterans Association VaVictor Matemadanda avo vanonzi vakadzingwa kuva mumwe mutungamiri wesangano iri nevanotsigira Amai Grace Mugabe vanoti vachagara pasi nevamwe vanowirirana navo kuti vaone kuti voita sei nemamiro akaita zvinhu mubato. Varamba nyaya dzekuti vari kutsigira VaMnangagwa vachiti mutungamiri wavo ndiVaMugabe chete.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vaimboshanda kumuzinda weZimbabwe kuEthiopia VaClifford Chitupa Mashiri vanoti zvoitika muZanu-PF munongedzo wekuti bato iri rapindwa naPongwe.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG