Accessibility links

Breaking News

VaMphoko Voendesa Bhiri reKuregererana kuDare reParamende


VaPhelekezela Mphoko
VaPhelekezela Mphoko

Mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaPhelekhela Mphoko nemusi weChina vakakwidza kuparamende bhiri rekuumbwa kwekomisheni yerunyararo nekupodza maronda kana kuti pamwe nekomisheni yeNational Peace and Reconciliation Commission apo vemasangano anoshandw akazvimirira varikupokana kuti chirongwa chekupodza marwadzo nekuregererana chichafamba sei.

VaMphoko avo vanovezve gurukota rinoona nezverunyararo nekuregererana vachazotsanangura bhiri iri apo richaverengwa kechipiri mudare.

Asi vemasangano anoshanda akazvimirira vanoti komisheni iyi yanonoka kuumbwa uye mashandiro ayo anofanira kujekeswa.

Vachitaura pamusangano waingen wakarongwa neNational Transitional Justice Working Group muHarare; vakafanobata chigaro chemukuru wechikoro chesvondo yeRoma cheArrupe College Baba Lawrence Daka vanoti komisheni iyi inofanira kuita basa rayo zvakajeka uye dai zvaibvira basa rekomisheni raifanira kuitwa nevedzisvondo.

Vanotiwo kuti chirongwa chekuregererana chibudirire vese vari kupomerwa mhosva dzekuponda vanhu nekupara mhosva vanofanira kuregerwa kuti vanotsotaura chokwadi chezvakaitika.

Asi vamwe vakaita samai Netty Musanhu vekuMusasa Project vakati vanhu kunyanya vakadzi vakabhinywa zvakanyanya zvekuti zvakaoma kuti vareregerere vanhu vasina kutongwa kana kukandwa mujeri.

Mashoko aya akatsigirwa nenhengo yeparamende , Amai Concelia Chinanzvavana, avo vakashungurudzwawo zvakanyanya.

Reverend Motsi vesangano reGrace To Heal vanoti komisheni iyi inofanira kuita basa rayo zvakajeka paine ngiva yakatarwa kuti yoshanda sei?

Vanhu vazhinji munyika vane mavanga nemarwadzo avakapihwa kubva nguva yehondo, gukurahundi pamwe nesarudzo Dzekuma2000. Hurumende inoti yave kuda kupodza nekupedza marwadzo aya nekomisheni iyi.

Asi VaRashid Mahiya veHeal Zimbabwe Trust vanoti vanhu havana chivimbo nehurumende. Dare reparamende rinotarisirwa kupasa bhiri iri nechichimbi.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG