Accessibility links

Breaking News

Vaive Vashandi veGMB Vorara Panze peKambani Vachiti Vanoda Mari dzeMudyandigere


Vaimbove vashandi vedura renyika reGrain Marketing Board vakadzingwa mushure mekunge dare repamusoro rapa chiga chekuti vashandi vanogona kudzingwa vapiwa mwedzi mitatu vaungana kumahofisi edura kuMsasa muHarare vachiratidzira zvinerunyararo kuti vapiwe mari dzavo.

Vashandi ava vabva kumativi mana enyika vataurira Studio 7 kuti nhamo nekushupika ndizvo zvavasimudza kwavanogara kuti vapiwe mari dzavo neGMB.

Pane vashandi varikugara panze ava pane madzimai ane vana uye vanoti vaona chitsvuku nekugara musango uku.

Amai Angela Bhudhi vanga vaine mwana ane makore maviri vakabva kuChivhu vati vaimbove vashandirwi vavo havana kana hanya.

“Ndaigara muno muHarare asi nekushaya mari ndakabva ndaenda kumusha kuChivhu ndokwandiri kugara nemwana wangu. Takauya kuzoforera mari dzedu dzatisina kupiwa neGMB. Tirikurara panzenemwana. Akachemawo nzara, kudya zvese nekunaiwa nemvura tirikungoshingatakadaro nemwana.

Amai Bhudhi vanoti mvura yakavanaya zvakanyanya neChina manheru vakazonunurwa nevane tsiye nyoro.

“Tarara patende iyoyi yatakatsvakirwawo nevamwewo kuti tigone kurarama asi zvakatorema zvirikurwadza. GMB pachayo yakatinyima kunyangwe mvura kana toilet hatina tirikuraramiswa nevanhu vaMwari vakanzwira tsitsi vana. Zvakaoma nekuti mwana arikutorwa hondo dzaamai.”

Umwe anga aine mwana mucheche zvakare ndimuzvare Tabeth Shava avo vashorawo vakuru vekambani yeGMB.

“Zvakaoma nekuti munongoziva kuti vana vane10 months vanoda nguva yakareba yekurara asi kuno haisi kuwanikwa nekuda kwemaconditions acho. Handikwanisi kumusiya kumba nekuti maid akaenda ndandisingachakwanisi kumubhadhara. Ndiye mwana wekupedzisira vadiki ndasiya ndakumbira kuvasiya kune muvakidzani. Takatanga tichikumbira mvura palodge asi iyezvino panemanextdoor avekutibatsira.”

Vamwe varipo amai Dai Murewa vakasimuka kubva kwaRusape vati chakavasimudza inzara pamwe nekuwona mhuri yavo ichitambura ivo vaine mari yavakashandira.

“Chokwadi tirikurwadziwa misodzi yaoma, vana varikufa nenzara. Hatisisina pekugara, vana havasi kuenda kuchikoro chekudya chaicho hakusisina. Tave kungodya kamwechete. Tirikurwadziwa nekuti varikutiona takanyarara vanofunga kuti hatigoni mhirizhonga. Hatikwanisi kudzokera kudzimba dzedu tisina kupiwa mari yedu”.

VaTinashe Zodzi mumwe wevashandi vekuGMB ati anorwadziwa zvikuru semunhu akarwa hondo yerusununguko.

“Takauya pano Chipiri tikawana magedhe akavharwa. Nhasi iFriday tichiri pano. Tauya pano nekuti takadzingwa kwataigara. Vakuru nari umu havana basa nesu kunyangwe VaMade chaivo gurukota rinofanirwa kuva richitimiririra havana kana hanya. Vana havasi kuenda kuchikoro vakatodzingwa, nzara inzara. Apa ndozvatakaendera kuhondo zvekudzvanyirirwa izvi asi nanhasi vanhu ava varikutidzvanyirira.’’

VaZodzi vati chinovashamisa ndechekuti pese panofa vaimbove vashandi veGMB ava dura rinobudisa mari asi richitadza kupa vanhu mari dzavo vari vapenyu.

“Munhu akafa nhasi izvozvi inotobuda mari kana $2000 zvose zvobuda nekuti wafa ndichirimupenhu ndichiti ndipeiwo mari ndinorapiwa ndirikurwara kunonzi hapana mari.”

Kunyangweva vave nemazuva vakarindira mari dzavo, vakuru veGMB havasati vamboita hurukuro nevaive vashandi vavo.

Anoona nezvekubuditswa kwemashoko mukambani yeGMB VaJoseph Katete varamba kutaura neStudio 7 vachiti nyaya iyi inoda vakuru.

Asi vakasanobata chigaro chemukuru weGMB VaSimba Mhonde vanzi vari muhurukuro dzavasingakwanisi kubuda.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG