Accessibility links

Breaking News

Politburo yeZanu-PF Yotadza Kupedza Bopoto muBato


VaRobert Mugabe naAmai Grace Mugabe
VaRobert Mugabe naAmai Grace Mugabe

Zanu-PF nemusi weChitatu kusvika China yakatora maawa anopfuura gumi kuzeya nyaya dziri kunetsa mubato iri uye munyika.

Asi zvakabuda mumusangano uyu zviri kuratidza pachena kuti kunetsana nekukandirana makobvu nematete kuri kuenderera mberi.

Mutauriri webato VaSimon Khaya Moyo vakati bato rainge rasunga kuti vanhu vasaende pamadandemutande akaita setwitter vachinotukana.

Bepanhau reHerald rinoti chisungo ichi chainge chakanangana negurukota rezvedzidzo VaJonathan Moyo.

Asi VaMoyo vange vadzoka patwitter nemusi weChina vachiti hakuna akamiswa kushandisa twitter.

Vari kuziva zvakaitika mumusangano umu vanoti pakakandiranwa makobvu nematete pakati pevanonzi vari kutsigira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevamwe vanonzi vari kuchikwata chinonzi Generation 40 chinonzi chinsanganisirawo amai Grace Mugabe naVaJonathan Moyo.

VaMugabe vanonzi parizvino havana kuda kutora divi pane zviri kuitika izvi. Asi bepanhau reHerald rinonzi rakashorwawo richinzi riri kukonzera kusawirirana mubato.

Asi neChina bepa iri rakaenderera mberi richinyora nyaya dzinonzi dziri kunyomba chikwata cheG40.

Nyanzvi munyaya dzezvekuburitswa kwemashoko vachiongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaEarnest Mudzengi vanoti zvekuti vanhu vanoshandisa twitter hazvina musoro asi bepanhau reHerald harifanire kurerekera rimwe divi.

Hurukuro naVaEarnest Mudzengi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kurwisana mubato reZanu-PF kwainge kwasvika pakaipa mwedzi yapfuura zvekuti nhengo dzePolitburo dzakaita saVaChris Mutsvangwa, VaJonathan Moyo, VaSaviour Kasukuwere pamwe naamai Grace Mugabe pamwe nevamwe vashandi vakuru muhurumende vakaita semutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba vange vave kugarotukana.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaFortune Gwaze vanoti kunyange hazvo chimwe chikwata chemadzimai chinozviti ndicho chinotsigira VaMugabe chakaronga musangano wakaitwa wePolitburo usati watanga chichiti chaida kutenda VaMugabe nehutungamiri hwavo hwemhando yepamusoro, chinangwa chavo chaicho chaive chekuda kuninipisa VaMnangagwa.

Zimbabwe Zanu pf Meeting
Zimbabwe Zanu pf Meeting

Basa iri rinonzi rakaiswa mumumaoko aAmai Sarah Mahoka vanova nhengo yeWomens League uye vari mumiriri weHurungwe East.

VaGwaze vanoti kuita kwaMai Mahoka kuri pachena kuti vaive nechinangwa chekuti VaMugabe vatukirire VaMnangagwa.

Mutungamiriri webato rinopikisa reDemocractic Party, Dr Wurayayi Zembe, vanoti nyaya yekuronga musangano wekunyomba vamwe vakuru vakuru mubato iri kunoratidza kuti VaMugabe pachavo vane chekuita nezviri kuitika muZanu PF.

Mukuru wesangano ravanachipangamazano reZimbabwe Democracy Institute, Dr Pedzisayi Ruhanya vanoti VaMugabe mbune ndivo vari kukonzera nyonga nyonga mubato nekuti kana vachida kusvimoisa vanokwanisa kuzviita.

VaZembe vanoti zvave kuitika muZanu PF zvinoratidza pachena kuti vanhu mubato iri vazvimbirwa nehutongo hwaVaMugabe uye vanoti nyaya yehumbimbindoga hwavo ndiyo inoita kuti bato iri riite musangano kwemaawa anodarika gumi vachitaura nyaya dzisina maturo ose vachisiya kuzeya nyaya dzekusimudzira hupfumi pamwe nekuti vanhu vagare zvakanaka.

Asi VaJawet Makunike vanotsigira Zanu PF vanoti vanofara chose nedanho rakatorwa nebato ravo neChitatu vachiti zvinoratidza kuti VaMugabe vanogona kugadzirisa matambudziko ari mubato iri.

Vakawanda vataura neStudio 7 vanoti vari kutarisira kuti kunetsana muZanu-PF kuchaenderera mberi sezvo pasina kujeka kuti ndiyani achatora chigaro kana VaMugabe vasisipo. VaMugabe vari kusvitsa makore makumi mapfumbamwe nemaviri mwedzi uno.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutauriri webato rinopikisa reMDC-T VaObert Gutu vanoti zviri pachena kuti Zanu-PF iri kupedza nguva ichitukana kwete kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

Asi sachigaro weZanu-PF kuUK Province VaNick Mangwana vanoti zviri kutaurwa neMDC-T hazvina nematuro ose.

Hurukuro naVaObert Gutu naVaNick Mangwana
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG