Accessibility links

Breaking News

Vagari vekuMasvingo Vanoti Vomanikidzwa kuBhadhara Mari yeBhavhudhe raVaMugabe


VaRobert Mugabe
VaRobert Mugabe

Vagari vekumaruwa mdunhu re Masvingo pamwe chete nevadzidzisi veko vari kugunun’una nerekuti vari kumanikidzwa kubhadhara mari yekuti ishandiswe mukuitwa kwebhavhadhe remutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe mukupera kwegore rino.

Vagari vekumaruwa pamwe ne vadzidzisi vakatura neStudio 7 vanoti musangano we Zanu PF wakatuma masabhuku pamwechete ne vakuru vezvikoro kuti vatore mari kubva kwavari.

Vagari vekumaruwavanoti vari kubhadhariswa mari inotangira pa dhora kusvika pamadhora matatu apowo vadzidzisi vari kunzi vabhadhare mari inotangira padhora kusvika pa madhora manomwe.

Izvi hazvisi kufadza veruzhinji avo vanoti vari kutakatika nenhamo nenyaya yekushomeka kwe chikafu zvichitevera nzara iriko gore rino yakakonzerwa ne kusanaya kwemvura mwaka uno.

VaTidus Makore, vekwaGutu vanoti vanorwadziwa zvikuru nekubhadhariswa mari yakadai apo mhuri yavo ichinonga svosve ne muromo.

“ Zvakaoma kuti tomanikidzwa kunopemberera, kuti isu tibahdhare mari yekuti vamwe vanhu vafare zvinhu zvakaoma, izvevzi hatina mari ye chikafu uye vana havasikuenda kuchikooro apo tobhadhara mufaro weumwe munhu hazvina kunaka.”

VaMakore vanoti vanotya kuramba kubhadhara sezvo vanozopomerwa mhosva yekusatsigira musangano we Zanu PF izvo zvinozoita kuti varohwe munguva dze sarudzo.

Mumwe mugari wekwaChivi ati anonzi Henry anoti ivo nezvipfuyo zvavo vari kuziya nenzara nekudaro havanzwisise kuti sei vari kumanikidzwa kubhadhara mari yebhavhudhe iyi.

“Handisi kufara nekuti tiri kumanikidzwa, izvezvi hatisikukwanisa kuwana mari yekutenga chikafu chemombe dzedu dzirikufa nenzara apo iniwo handisati ndambozvipembvererawo bhavadhi rangu.”

Vamwe vadzidzisi vanoti vari kurwadziwa zvikuru kuti vanomanikidzwa kubhara mari idzi apo ivo vasati vawana mari dzavo dzema bhonasi egore rapera.

Mumwe mudzidzisi wepa chikoro cheku Zaka, akaramba kudomwa nezita nekutya kuzopinda mukanwa mamupere anoti akamanikidzwa kubhadhara madhora mashanu.

“Svondo rakapera vanhu ve Zanu-PF vakauya vakataura ne mukuru wechikoro isu tikazodeedzwa ne mukuru wechikoro akati udza kuti tibhadhare mari iyi. Chinotirwadza ndechekuti tirikumanikidzwa apo tinonoka kubhadharwa, mabonus edu haasati auya, votitorera mari shoma iyo yavanotipa”

Mutungamiriri we sangano rinomiririra vadzidzisi re Progresive Teachers Union of Zimbabwe(PTUZ) VaTakavafira Zhou vati hofisi yavo yanzwa nekutambira mashoko aya kubva kunhengo dzavo.

VaZhou vakashoropodza zviri kuitwa ne Zanu PF vachiti kutyora mutemo.

“Hazvisi pamutemo kumanikidza varairidzi kubhadhara mari dzekuti mutungamiriri wenyika aite bhavadhi. Tirikutambira zvichemo kubva Gutu, Bikita, Chivi, Zaka nedzimwe nzvimbo. Isu tinoti dai VaMugabe varega kuita bhavhaddi iri gore rino rine nzara uye varege kutambudza varairidzi.”

VaZhou vanoti varimubishi rekunyorera hurumende tsamba yenyunyuto nechiitiko ichi.

Sachigaro we Zanu PF muMasvingo, VaEzra Chadzamira varamba kuti bato ravo ririkumanikidza vanhu kubhadhara mari vachiti manyepo uye havatsvagi mari kuvarombo.

Asi vanoona nezvematongerwo enyika vanoti Zanu PF iri kukundikana kuunganidza mari yebhavhadhe raVaMugabe inoita zviuru mazana masere emadhora zvopa kuti itsvage mari nedemo.

Nyaya Ina Gamdri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG