Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeVarairidzi Vasingagone Rurimi rweNdebele Vachidzidzisa Vana kuMatabeleland Yotsviriridza Zvekare


Makakatanwa pamusoro penyaya yemutauro unoshandiswa nevadzidzisi mumatunhu eMatabeleland ari kuenderera mberi vamwe vagari vemuBulawayo vachiti bazi redzidzo rinofanirwa kugadzirisa nyaya yekuti vadzidzisi vasingakwanise kutaura rurimi rweNdebele vadzidzise mumatunhu aya.

Asi vamwewo vanoti panofanirwa kuita wongororo yakakwana yekuti chii chiri kukonzeresa kusabuda zvakanaka kwevana vemudunhu iri mubvunzo dzeO neA level.

VaIphithule Maphosa ndemumwe weavagari vemuBulawayo vanoti vanotsigira maonero ekuti vana vechikoro vemumatunhu eMatabeleland havanyatsobudirira mubvunzo dzavo dzeO neA Level sezvinoita vamwe vana vekune mamwe matunhu nekuda kwekuti vana ava vanodzidziswa nevadzidzisi vasingakwanise kutaura rurimi rweNdebele.

VaMaphosa, avo vanovewo mutauriri webato reZAPU kuchamhembe kwenyika vanoti, ivo semubereki ane mwana achiri kwekutanga kwedzidzo yake, vanoona zvakakosha kuti vana vadiki sewavo vadzidziswe nemunhu anogona kutaura Ndebele inove ndiyo inonyanyotaurwa muBulawayo nemune dzimwe nzvimbo dzakakomberedza guta iri.

“Semubereki ndinobvumirana nemafungiro ekuti zviri kukonzerwa nemateacher asingakwanise kutaura first language yevana zvikuru kumaprimary schools ekuno. Kana mukazvitarisa, tikaita wongororo diki diki muzvikoro muchawona kuti vadzidzisi vakawanda havataure Ndebele muno muBulawayo. Saka ichokwadi ndinobvumirana nazvo. Kunyange ndichitaura nevamwe vabereki, tinobvumirana pamaonero iyaya.”

Svondo rapera dare reparamende rakazeya nyaya yekuti vadzidzisi vasingataure Ndebele vangaendeswa here kana kuti kwete kunodzidzisa munzvimbo dzinonyanyotaurwa Ndebele.

Gurukota rezvedzidzo VaLazarus Dokora vakabuda mumapepanhau vachiti kuve nemutemo wekuti vadzidzisi vasingataure Ndebele vasaenda kunodzidzisa munzvimbo dzinotaurwa mutauro uyu zvakafanana nekuita rusarura.

Achipawo maonero ake panyaya iyi, mumwe mugari wemuBulawayo ari kudzidzira hudzidzisi, uyo asina kuda kudomwa nezita rake pamhepo, anotiwo kunyange hazvo muzvikoro zvemuZimbabwe muchinyanyoshandiswa rurimi rweChirungu, zvakakosha kuti vana, kunyanya vechidiki, vadzidziswe nevadzidzisi vanogona rurimi rwaamai vavo.

Mudzidzi uyu anoti izvi zvinoita kuti vadzidzisi ava vakwanise kunyatsotsanangura mururimi urwu, zvimwe zvinhu zvinonetsa vana ava kuti vanzwisise mururimi rwemuChirungu.

"Zvakakosha zvikuru kuti vana vadzidziswe nemunhu anogona kutaura rurimi rwaamai vavo kunyanya kuprimary nekuti mukatarisa vana vakawanda vanobva kumalocation havazive Chirungu, saka vanenge vachida munhu anogona language yavo. Kana uchidzidzisa zvimwe zvinhu kumaGrade One semuenzaniso, haungarambe uchitaura neChirungu; unotofanirwa kushandisa rurimi rwaamai kuti vanzwisise zvimwe zvinhu."

Asi mumwewo mugari uyo akangozvidoma nezita rekuti Emilia anoti haabvumirane nemaonero ekuti kuve nevadzidzisi vasingataure Ndebele ndicho chezvimwe zviri kukonzera kusanyatsobudirira kwevana vemuMatabelaland muzvidzidzo zvavo.

Muzvare Emilia vanoti kunze kwemitauro yakadai seShona neNdebele zvimwe zvidzidzo zvose zvinodzidziswa muzvikoro zvino dzidziswa neChirungu saka nekudaro, chakanyanyokosha inyaya yekuti vadzidzisi vave vanogona kudzidzisa vana zvakanaka neChirungu chacho.

Mumwe mudzidzisi asina kuda kutaura pamhepo sezvo asingabvumidzwe kutaura nevatori venhau anoti, kune vamwe varairidzi vekune dzimwe nyika vaiuya kuzodzidzisa muno pasina dambudziko remutauro iri.

Mudzidzisi uyu anotiwo vadzidzisi vemuZimbabwe vane mbiri yehunyanzvi hwekudzidzisa mune dzimwe nyika dzakatikomberedza seBotswana neSouth Africa uko kunotaurwa mimwe mitauro, achitiwo nyaya yekuti mudzidzisi anotaura rurimi rwupi haina kunyanyokosha kana vana vachizonyora bvunzo dzavo neChirungu.

VaButler Tambo vanoita zveongororo nesangano rePublic Policy Research Institute of Zimbabwe riri muBulawayo. VaTambo vanoti nyaya yekuti vanhu vakwanise kutaura rurimi rwaamai yakakosha zvikuru muhupenyu kunyanya pamakore avo vachiri vadiki.

Asi vaTambo vanoti panofanirwa kuitwa ongororo yakazara yekuti zvii zviri kukonzera kusapasa zvakanaka kwevana vari mumatunhu eMatabeleand.

“Chokwadi ndechekuti haizi nyaya yemutauro chete ichakanganisa vana kupasa. Panofanirwa kutariswa kuti muzvikoro izvi mune malaboratory here kana takatarisana nezvidzidzo zveScience? Iko zvino kuri kutarurwa nenyaya yeSTEM, asi tinofanirwa kubvunza kuti malaboratory acho aripo here ekuti vana vadzidze zvidzidzo zveScience kuti vagokwanisa kupasa vagoenda pauniversity yeNUST. Ndizvo zvimwe zvinhu zvationfanirwa kutarisa.”

Zimbabwe ine mitauro gumi nenhanhatu inonzi inogona kutaurwa zviri pamutemo asi dambudziko guru nderekuti pamutauro dzose idzi, shoma dzacho ndiyo inonyanyotaurwa munyika.

VaTambo vanoti hurumende inofanirwa kutora matanho ekukurudzira kushandiswa kwedzimwe ndimi kusanganisira kudzidzisa vadzidzisi vanokwanisa kuzodzidzisa vana ndimi idzi muzvikoro.

VaMaphosa vanobvumiranawo nemaonero aya vachiti kuendesa masimba kumatunhu pamwe nekurwisa zvehuwori kunogona kubatsirawo kuti vana vemumatunhu eMatabeleland vakawanda vawane nzvimbo dzekudzidzira hudzidzisi mumakoreji ari mumatunhu aya, kuitira kuti vagozokwanisawo kudzidzisa muzvikoro zvemumatunhu aya.

Kusvika panyatsoitwa ongororo inonyatsopa humbowo huzere hwekuti chii chaizvo chiri kukonzeresa kusanyatsobudirira kwevana vemuMatabeleland muzvidzidzo zvavo, pacharamba paine makakatanwa panyaya iyi.

Nyaya Ina Taurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG