Accessibility links

Breaking News

Yangove Njake Njake muZanu-PF Umo Maberekera Pongwe


Amai Grace Mugabe
Amai Grace Mugabe

Mubato reZanu-PF maita kunetsana kunotyisa pakati pechikwata chiri kunzi Generation 40 chinonzi chinotsigira amai Grace Mugabe kuti vazotungamira nechimwe chinonzi chiri kutsigira mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangangwa.

Zvikwata izvi zvinonzi ave makara asionane zvichirwira kuti ndiyano achatora chigaro chemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe avo vakwegura uye vari kusvitsa makore makumi mapfumbamwe nemaviri musi wa 21 Kukadzi.

Vamwe vakarwa hondo yerusununguko vari kupika kuti gurukota rezvedzidzo yepamusoro VaJonathan Moyo negurukota rezvematunhu VaSaviour Kasukuwere havasi kuzobvumidzwa kupinda mumisangano yebato kutanga musangano wakakosha wePolitburo neChitatu.

Izvi zvapa kuti paitwe kukandirana makobvu nematete pakati pezvikwata zviviri izvi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachitungamira sangano reZimbabwe Democracy Institute Dr Pedzisayi Ruhanya vanoti nyaya yekunetsana muZanu-PF chave chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga.

Hurukuro naVaPedzisai Ruhanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hondo yemuZanu-PF iyi semazuva ose yave kurwiwawo mumapepanhau ehurumende akaita seHerald nedzimwe nhepfenyuro dzehurumende.

XS
SM
MD
LG