Accessibility links

Breaking News

UNDP neEU Dzobatsira Zimbabwe Pakugadzirira Sarudzo


ZESN
ZESN

Biometric inoshandisa mboni yeziso kana runyoro rwemunwe kana kuti finger prints pakuvhota.

Mumiriri weEuropean Union muZimbabwe, VaPhilippe Van Damme, vanoti sangano ravo richabatsira Zimbabwe Electoral Commission, ZEC, nemari kuburikidza nehomwe iri kuumbwa nesangano reUnited Nations Development Program kana kuti UNDP.

ZEC inoshorwa zvakanyanya nemabatiro ainoita sarudzo inoti ine hurongwa hwekuparura chirongwa chebiometric voter registration. Biometric inoshandisa mboni yeziso kana runyoro rwemunwe kana kuti finger prints pakuvhota.

VaVan Damme vati patori nemari yakakumbirwa nehurumende kuburikidza neZEC. Asi vati pari zvino havangataure nezvenyaya iyi.

Vatiwo pari kuitwa misangano neZEC, hurumende, masangano akazvimirira uye mapato anopikisa yekuona kuti vekunze vangabatsire sei.

Masangano anoona nezvesarudzo munyika anoti reZimbabwe Election Support Network neElection Resource Centre anoti anotambira hurongwa hweZimbabwe Electoral Commission ichishanda nenyanzvi dzekunze hwekuvandudza gwaro revavhoti vachiita chirongwa chebiometric voter registration inoshandiswa kunyika dzakawanda.

Election Resource Centre inoti izvi zvinobatsira mukumisa mutauro zvichinzi sarudzo dzabiridzirwa.

ZESN inotiwo ZEC inofanirawo kushanda pamwe chete nemasangano emunyika ari munyaya dzesarudzo mukugadzira chirongwa ichi. Hurumende iri kubatsirwa kuita chirongwa ichi nesangano reUnited Nations.

Nyika dzakaita seNigeria, Zambia, Sierra Leone, Kenya neGhana dziri kutoshandisa chirongwa ichi. Hatina kukwanisa kubata sachigaro weZEC, amai Rita Makarau, avo vati vange vari mumusangano.

Mukuru weZESN, amai Rindai Chipfunde Vava, vanoti chirongwa ichi chinoda kuitwa nechimbi chimbi sezvo 2018 risiri kure.

Hurukuro naVaRindai Chipfunde-Vava
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG