Accessibility links

Breaking News

Mamwe Magweta Anoti Kusungwa kwaVaTomana Hakusi paMutemo?


VaJohannes Tomana
VaJohannes Tomana

Sangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights nemagweta akawanda munyika uye vemapato anopikisa vanoti kusungwa kwemuchuchusi mukuru wenyika kunotyora bumbiro remitemo.

Sangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights, magweta akawanda munyika pamwe nevemapato anopikisa vanoti kusungwa kwemuchuchusi mukuru wenyika kunotyora bumbiro remitemo.

Asi vachuchusi vehurumende vanoti VaTomana vakatyora mutemo panyaya yakakomba zvikuru.

VaTomana vanonzi vakaresva apo vakabvuma kupa vamwe varume vaviri vaipomerwa mhosva yekuda kubhomba Gushungo Dairy, kambani yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Mukuru musangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights, VaDzimbambwe Chimbgwa, vanoti kusungwa kwaVaTomana vachizopiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso hakusi pamutemo.

Mashoko aya anotsinhirwawo namuzvinafundo, uye vari mutungamiri webato reNational Constitutional Assembly, Va Lovemore Madhuku, avo vanoti mutemo uri pachena pazvinhu zvinofanira kuitwa kana mapurisa achifunga kuti patyorwa mutemo.

Gweta uye vachimbomirira mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, VaTerrence Hussein, vanotiwo zvakaitwa nemapurisa kutyora mutemo.

Ko nyaya yakadai yakamboitikawo here munhoroondo yenyika? Vanodzidzisa mutemo paKent University, Doctor Alex Magaisa, vanoti aka hakasi kekutanga.

VaMagaisa vanoti vaimbova muchuchusi mukuru wenyika, VaSobhuza Gula Ndebele, vakatombotambiswawo nhova vachisungwa vachinzi naivo vainge vasina kushandisa hofisi yavo zviri pamutemo.

VaMagaisa vanoti zvoitwa VaTomana zvinoratidza pachena kuti pane vamwe vanhu vavakatsikana nawo konzi mubato reZanu-PF.

Ko kana zvinhu zvaita mamiriro akadai chii chaizvo chingaitwe kugadzirisa dambudziko iri?

VaMadhuku vanoti VaMugabe vave kutosungirwa kuumba dare kana kuti tribunal yekuferefeta VaTomana.

Kunyange hazvo magweta ari kuti pari kutyorwa mutemo, vamwe vanhu munyika vari kuti VaTomana vave kuzvionera pamhuno sefodya kuti Zanu-PF itamba wakachenjera.

VaTomana vakabuda pachena kakawanda mumakore apfuura vachiti vanotsigira bato reZanu-PF asi vachiti izvi hazvivakanganise kuita basa ravo.

Asi vamwe vanoti kuendeswa kwavo kumatare vachiramba kuchuchisa vamwe veZanu-PF vakaita senhengo yeparamende, VaMunyaradzi Kereke, munongedzo wekuti vanochuchisa vachitarisa kuti wabuda mumba maani.

Asi magweta anoti izvi hazvineyi nekutevedzera bumbiro remitemo uye hapafanire kuita wada watonga muzinda wenyuchi.

Zvichakadaro, munyori anoona nezvemutemo mubato reMDC-T, Muzvare Jessie Majome, vashorawo nyaya yekusungwa kwaVaTomana.

Asi vati kusungwa kwaVaTomana chinofanira kuva chidzidzo kumapurisa nevachuchusi kuti vaite basa nemazvo vachitevera mutemo kwete kuda kuita zvematongerwo enyika.

Mutauriri webato rePeople’s Democratic Party, VaJacob Mafume, vanotiwo VaTomana inguruve yokangwa nemafuta ayo asi vati bumbiro remitemo rinofanira kuremekedzwa.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG