Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoita Chinono Mukugadzirisa Nyaya dzeKodzero neHuori


Masangano matatu anoona nezvekodzero dzevanhu pasi rose aburitsa magwaro akasiyana pamusoro pemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe munyaya dzekodzero.

Mugwaro raro repagore rinonzi 2016 World Report, sangano reHuman Rights Watch rinoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka muZimbabwe munyaya dzekodzero dzevanhu.

Ukuwo Freedom House inoti Zimbabwe yabva pachidanho chechitanhatu kusvika pachidanho chechishanu chiri kunzi not free to partly free sezvo paine dzimwe kodzero dzevanhu dzakambochengetedzwa zvishoma.

Freedom House inotiwo Zimbabwe iri kunetsakawo nenyaya yekunetsana kwezvematongerwo enyika muZanu-PF nemumapato anopikisa.

Sangano iri rinoti matare ave kuratidza kuti pane dzimwe nyaya ava kutonga asina divi raanorerekera kusanganisawo bato reZanu-PF. Mugwaro rayo Freedom House inoti nyika dzemuAfrica ndidzo dziri kutyora kodzero dzevanhu zvakanyanyisa pasi rino.

Panyika zana nemakumi mapfumbamwe neshanu dzakaongororwa, nyika makumi mashanu dzinonzi hadzina kunyatsosununguka, uye dzimwe makumi mashanu nepfumbamwe dzinonzi ndizvowo kana kuti “partly free.”

Nyika dziri kunyanya kutyora kodzero dzevanhu pasi rose i Turkmenistan, Western Sahara, Central African Republic, Sudan, Equatorial Guinea neSaudi Arabia.

China neRussia dzinonzi dziri kumbunyikidza vanhu nekutyira kuti kusamira zvakanaka kwehupfumi kunogona kupa kuti vanhu varatidzire.

Ukuwo sangano rinoongorora nyaya dzehuori reTransparency International, raburitsawo gwaro remamoiriro akaita nyaya dzehuori pasi rose rinonzi Corruption Perception Index 2015.

Zimbabwe inonzi iri pachidanho chezana nemakumi mashanu panyika dzinosvika zana nemakumi matanhatu nenomwe dzakaongororwa.

Nyika shanu dziri pamberi pasi rose mukurwisa huori i Denmark, Finland, Sweden, Newzealand neNetherlands.

Munyika dzose dzemuAfrica, Botswana, iyo iri pachidanho chemakumi maviri nesere, ndiyo iri kuita zviri nani.

South Africa iri padanho chemakumi matanhatu nechimwe.

Transparency International inoti munyika dzemuAfrica nyaya dzehuori dzakawedzera zvakanyanya uye nyika dzakabudirira muAfrica, Nigeria neSouth Africa, hadzina zvakawanda zvadziri kuita mukugadzirisa nyaya dzehuori.

Nyaya yehuori muAfrica inonzi iri kukanganisa zvakannyanya kodzero dzevanhuwo zvawo muAfrica makare.

Asi nyika mbiri dziri kunzi dziri kuita zvakanaka i Botswana neSenegal.

Somalia, iyo ine hondo, ndiyo iri pasi pasi. Transparency International yakurudzira nyika dzose dzemuAfrica kuti dzitore matanho akasimba mukugadzirisa nyaya dzehuori.

Ukuwo Human Rights Watch inoti nyika dziri mugungano reSADC kusanganisira Zimbabwe, dziri kusimbaradza nyaya dzekutyora kodzero dzevanhu.

Gwaro re Human Rights Watch rinoongorora mamiriro akaita kodzero dzevanhu munyika makumi mapfumbamwe.

Sangano iri rinoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kutonga nechibhakera vachitadza kudzika mitemo inoita kuti vanhu vasununguke.

Hurumende yaVaMugabe inonzi iri kutyora kodzero dzevanopikisa, masangano akazvimirira, vanotengesa mumigwagwa nevamwe.

Mapurisa emuZimbabwe anonziwo ari kushandiswawo mukutyora kodzero dzevanhu munyika.

Human Rights Watch inoti hurumende haina zvairi kuita mukuripa vanhu vakatyorerwa kodzero dzavo kana kuponderwa hama dzavo nekuda kwenyaya dzezvematongerwo enyika.

Chipangamazano musangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti vachayedza kutaura nehurumende kuti igadzirise nyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG