Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzopesana naNhoroondo yeDunhu reMatabeleland


Mzilikazi
Mzilikazi

Rimwe bhuku richangoburwa rinopa nhoroondo yedunhu Matabeleland pamwe nekutsigira nyaya yekuti dunhu iri rive nyika yakazvimirira, rakonzera kupesana pakati penyanzvi munyaya dzenhoroondo yedunhu iri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vachitaura neStudio7 mushure mekuparurwa kwebhuku rinonzi The Rule By Conquest: The Struggle in Mthwakazi, muBulawayo svondo rapera, munyori webhuku iri, VaJonathan Maphenduka, vakati chinangwa chebhuku ravo ndechekuburitsa pachena nhoroondo yezvakaitika mudunhu iri rakatangwa namambo wekutanga wemaNdebele, Ishe Mzilikazi, iro rave kunzi Matabeleland, raive nyika yakazvimirira yega.

VaMaphenduka vakanyora bhuku iri vachishanda nesangano reUmhlahlo wesizwe sikaMthwakazi iro rine chinangwa chekuchengetedza tsika nemagariro evanhu vechiNdebele, uye kuti vanhu verudzi urwu vave nenyika yavo pachavo, zvichiitwa murunyararo kwete kuburikidza nehondo.

Vachitaurawo pakuparurwa kwebhuku iri, nhengo yeMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, VaMoses Mzila-Ndlovu, avo vaive munyarikani pachiitiko ichi, vakati vanhu vemuMatabeleland vave nenguva yakareba vachibatwa sevaranda, uye nzvimbo yavo ichisarira kumashure munyaya dzebudiriro.

VaMzila-Ndlovu vakati bhuku iri rinobatsira kudzorera hunhu hwevanhu verudzi rwechiNdebele, uye rinoita kuti vafunge pamusoro pekuti vanoda kuti ramangwana ravo rive rakamira sei.

Muongororo yavakaita munguva pfupi yapfuura yebhuku iri, imwe nyanzvi mururimi rweNdebele, Doctor Samukele Hadebe, vanoti bhuku iri rine zvinhu zvakawanda zviri mariri zvekufungidzira zvakanyorwa sechokwadi.

Asi Doctor Hadebe vanorumbidza bhuku iri vachiti ndiro rekutanga kunyatsoburitsa pachena nyaya yekuti vanhu verudzi rwechiNdebele vari munyika, vane kodzero yekuzvitonga pachavo vega, vachitiwo hurumende inofanirwa kufungisisa nezvenyaya iyi, yopa vanhu ava mukana wekuita referendamu yekuti vanoda kuzvitonga here kana kuti kwete.

Chipangamazano musangano rePublic Policy Research Institute of Zimbabwe muBualwayo, VaButler Tambo, vanoti kunyange hazvo vachibvuma kuti dunhu reMatabeleland rakanyanya kusarira munyaya dzebudiriro, havawone zvichibatsira kuti dunhu iri rizvimirire senyika pacharo rega.

VaTambo vanoti bumbiro idzva remitemo yenyika rine mitemo inopa masimba kuhurumende dzematunhu kuti dzive nezvirongwa zvinounza budiriro kumatunhu aya, izvo vanoti zvinogona kubastira kusimudzira hupenyu hweveruzhinji vari munzvimbo idzi vanotambura.

Mudzidzisi weConflict Management, Peace and Development kuZimbabwe Open University muBulawayo, VaTobias Guzura, vachitaura semuongorori wezvematongerwo enyika akazvimirira ega, vanoti shuviro yevamwe vanhu vemuMatabeleland yekuda kuzvitonga, yakafanana nezvakaitika kuEritrea iyo yakazvipatsanura kubva kunyika yeEthiopia, nekuSouth Sudan iyo yakazvipatsanura kubva munyika yeSudan.

Asi VaGuzura vanoti kuti nzvimbo imire pachayo yega senyika inoda zvikwanisiro zvakawanda zvakakosha, zvekuti vanhu vanokurudzira nyaya iyi vanofanirwa kufunga zvakadzama pamusoro payo.

Kunyange hazvo vamwe vane maonero ekuti nyaya yekupatsanura nyika inogona kumutsa ruvengo kana hondo pakati pemarudzi, vamwe vanoti shuviro yevamwe vanhu vekuMatabeleland yekuti vazvitonge inofanirwa kutaurwa pachena pasina kutya kana kutyisidzirwa, kuitira kuti vanhu vane pfungwa iyi vasawone kunge kodzero dzavo dziri kumbunyikidzwa.

XS
SM
MD
LG