Accessibility links

Breaking News

Taropafadzwa Otsvaga Rubatsiro Rwekuti Moyo Wake Ugadzirwe


Amai Pretty Mandere nemwanakomana wavo, Taropafadzwa
Amai Pretty Mandere nemwanakomana wavo, Taropafadzwa

Mhuri yekwa Mandere iyo pari zvino iri kugara kwaSeke kuChitungwiza nevabereki vavo, iri kushushikana nekushaya rubatsiro rwemwana wavo rwekuti arapwe mwoyo wake uyo usina kumira zvakanaka.

Mwana uyu ari kutorarama nemweya wekutengea we oxygen.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Baba Tafadzwa Mandere vanosevenzera ku Birchenough Bridge hospital uko vanogara nemudzimai wavo, Pretty, nemwana wavo Taropafadzwa.

Ivo nemudzimai wavo vakadzidzira zvehurapi asi mudzimai haasati ave kusevenza. Taropafadzwa ave nemwedzi minomwe yekuberekwa, asi haasi kunyatsokura zvakanaka nekuda kwechirwere chemwoyo une maburi matatu anofanira kuvharwa.

Vana chiremba vakaongorora kuti mwoyo wake unofanira kugadziriswa kunze kwenyika. Amai Pretty Mandere, avo vane makore makumi maviri nemasere ekuberekwa, vakatombogara muchipatara che Parirenyatwa kwe mwedzi miviri mwana wavo achiongororwa nana chiremba.

Munguva yese iyi, mwana airarama nemweya wekutenga, oxygen, wekumubatsira pakufema.

Vechipatara vakasvika pakuvadzosera kumba kwevabereki vavo kwa Seke kuChitungwiza nekuda kwekuti nguva yakanga yarebesa vabereki vasati vawana rubatsiro rwekuti mwoyo wemwana urapwe.

Amai Mandere vanoti zvakakosha kuti mwana awane rubatsiro nekukurumidza. Vanoti panodiwa zviuru makumi maviri nezvishanu zvemadhora kuti mwana abatsirwe kuSouth Africa kana kuti ku India.

Amai Mandere vanoti vakararama nguva yakaoma vari muchipatara nemwana.

Amai vaTaropafadzwa vanoti mazuvano vari kugara vakabatira mwoyo mumaoko sezvo mweya we oxygen uri kufema mwana, unongoerekana wangopera. Tangi re oxygen nderekukambani ye BOC Gases, uye vanoribhadharira madhora manomwe mwedzi wega wega.

Amai Mandere vanoti vanobatikanawo pamusoro pezvinenge zvichitaurwa nedzimwe hama kana shamwari vanouya kuzoona mwana wavo kuChitungwiza.

Vamwene vavo, Mbuya Joyce Mandere, vanoti muzukuru wavo anodawo zvekare mishonga yekunwa inoita makumi maviri emadhora pamazuva matatu ega ega. Mbuya Mandere, avo vane makore makumi mashanu nemashanu ekuberekwa, vanotiwo zvekare kufema kuri kuita mwana oxygen kwave kumupa mamwe matambudziko.

Munguva ino muZimbabwe muri kupisa zvakanyanyisa. Mbuya Mandere vanoti kupisa uku kuri kurwadza mwana nekuti haakwanisi kuenda panze kuti afurwe nemhepo.

Kana ari manheru havakwanise kuvhura mahwindo sezvo Chitungwiza iri nzvimbo ine umhutu hwakawanda. Havakwanisi zvekare kufafaidza mushonga wekuuraya umhutu kana nhunzi nekuti unozokanganisa kufema kwemwana.

Pari zvino Taropafadzwa ane mhezi dzekurumwa neumhutu.

Sekuru wemwana, VaEnigrayi Mandere, vane makore makumi mashanu nemanomwe ekuberekwa. Vanoita basa rekusona hembe vachitengesa munharaunda yeChitungwiza. Vanoti dambudziko remuzukuru wavo riri kuvashungurudza zvikuru.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubazi rezvehutano kuti seyi rakasiya mwana uyu achiburitswa muchipatara ipo pasina rubatsiro rwaari kuwana.

XS
SM
MD
LG