Thursday, March 05, 2015 Local time: 04:31

Nhau / Africa

Hurumende Inoisa Mamiriyoni Gumi neMashanu eMdhora Muhomwe yeVarimi veChibage

ChibageChibage
x
Chibage
Chibage
Irwin Chifera
Hurumende yapa bhanga rayo reAgribank madhora mamiriyoni gumi nemashanu. Mari iyi ichakwereteswa varimi vechibage senzira yekuona kuti nyika yawana chibage chinokwanira vanhu vese.

Mukuru weAgribank, VaSam Malaba, vati mari iyi ichakwereteswa kuvarimi vemumapurazi makuru vanokwanisa kuzodzora mari yavanenge vakwereta.

Vati  sezvo varimi vange vari kuchema chema kuti  mabhanga ari kuvakweretesa mari nemutengo uri pamusoro soro vachafarira mari iri kupihwa nebhanga ravo nekuti ine mutengo wepasi we4.5% chete.

VaMalaba vati varimi vanokwanisa kuwana mari iyi kumabhanga avo munyika yese kutanga neChitatu. Asi vatiwo vanotanga vaongorora kuti murimi anokodzera here kupihwa mari  nekundooona minda yake uye kuti akagadzirira kurima zvakadiyi.

Vati murumi mumwe achapihwa zana rezviuru zvemadhora. Asi vati mari iyi inogona kuwedzerwa zvichiendarana nekuti varimi vangani vanenge vakumbira kubhanga ravo.

Vati kunze kwechirongwa chekutsigira kurimwa kwechibage, bhanga ravo richishanda ne bhanga reFBC riri kubatsira  pakurimwa kwezvirimwa zvakaita sefodya, bhinzi, nzimbe pamwe nekuchengetwa kwemombe nemari inodarika mamiriyoni manomwe emadhora.

Chirongwa chaparurwa neChipiri ndechimwe chezvirongwa zvizhinji zviri kuitwa nehurumende  mukusimudzira mabasa ekurima munyika.

VaMalaba vati hupfumi hweZimbabwe hunorarama zvikuru nezvirimwa uye kana mabasa ekurima akasabudirira, mamwe maindasitiri  haafambi zvakanaka izvo zvinozotadzisa kubudirira kwehupfumi hwenyika.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekurima, VaMoses Jiri, vati mari yaiswa parutivi  nehurumende  yekusimudzira kurimwa kwechibage ishoma sezvo fotireza, mbeu nemishonga yekurimisa zviri kudhura.

Zimbabwe iri kuramba ichitadza kurima chibage chinoikwanira zvisinei nekuti yakabvuta minda kubva kuvarimi vechichena muchirongwa chekuendesa ivhu kuvanhu vatema.

Varimi ava, vazhinji vavo vakaenda kunyika dzakapoteredza Zimbabwe, izvo zviri kupa kuti nyika itenge chibage kunyika dzakaita seZambia.

You May Like

IMF Yoshushikana neDambudziko reZimbabwe

Chikwata chesangano reInternational Monetary Fund, IMF, icho chiri munyika kuzoongorora mashandiro echirongwa chekugadzirisa hupfumi hwenyika chinoti chinobvumirana nehurumende kuti hupfumi hweZimbabwe haugoni kusimukira pasina rubatsiro rwemari kubva kumasangana akaita neIMF, World Bank nemamwe. Onai zvimwe

Mhuri Yekubatsirwa neVana Vana Yombonogara kuWaterfalls

Imwe mhuri yekuMbare yakabatsirwa nevana vana mwedzi gumi yapfuura, asi ikaramba iri muchipara che Harare Hospital, yabudiswa neChitatu zvichitevera kuwana pekugara. Onai zvimwe

Human Rights Watch Yoendesa Nyaya yeTokwe Mukosi kuUnited Nations

Sangano rinorwira kodzero dezevanhu pasi rose, reHuman Rights Watch, rakwidza kumuzinda we United Nations nyaya yevanhu vakamanikidzwa kubva kuTokwe Mukosi nemafashamu emvura vachinogariswa patsva kuNuanetsi Ranch Onai zvimwe

Varimi Vanoratidzira Vachiramba Mitengo yeFodya

Mapurisa anodzivirira mhirizhonga adaidzwa kuzodzimura mhirizhonga inonzi yatadzisa kutengeswa kwefodya pazuva rekutanga kumusika wefodya weBoka Tobacco Auction Floors Onai zvimwe

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe
Live Talk

Live Talk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate. Schedule: Monday-Friday Local Time: 8:30-9:00 p.m. UTC Time: 1830-1900 Duration: Weekdays: 30 minutes
Indaba Ndebele

Indaba Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
English

English

Studio 7 has been providing Zimbabwe with objective, reliable and balanced radio news broadcasts since 2003 and has become a highly valued alternative point of reference on the airwaves for many thousands of Zimbabweans. Studio 7 covers politics, civil society, the economy, health, sports, music, the arts and other aspects of life in Zimbabwe. Studio 7 in Shona, English and Ndebele can be heard each Monday through Friday evening in Zimbabwe and elsewhere in the Southern African region from 7 p.m. to 8:30 p.m. followed by LiveTalk with hosts Blessing Zulu and Gibbs Dube from 8:30 to 9 p.m. On Saturday and Sunday Studio 7 news runs for an hour from 7 to 8 p.m. Studio 7 broadcasts at 909 on the AM or medium wave band, and on shortwave on the 4930, 7210 and 12120 kiloHertz frequencies. Listeners in the Harare region in particular may experience jamming on 909 AM. Studio 7 can also be received on free-to-air satellite devices during our normal time slot of 7 to 9p.m. and as a repeat of the Shona, English and Ndebele news programs plus LiveTalk from 9:00 to 11:00 p.m. Tune to Studio 7 on Intelsat 10, Virtual Channel (VC) 23. The channel is called VOA Southern Africa and carries other VOA language broadcasts including English, Portuguese and French. The downlink frequ3ency is 12.602 mHz and the symbol rate is 26.6. Downlink polarization is V or vertical. FEC or forward error correction is 1/2. Schedule Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m. Local Time: 7-9 p.m. UTC Time: 1700-1900 Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour
Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00 UTC Time: 1700 Nguva yeChirongwa 30

Facebook