Accessibility links

Breaking News

Musikana Akashungurudzwa neMahwindi Okurudzirwa Kumhan'ara kuMapurisa


Mini Skirt March
Mini Skirt March

Mapurisa ari kukuridzira musikana akashungurudzwa navana hwindi kuna Fourth Street muHarare svondo rapera kuti auye kukamba yavo kuti awane rubatsiro.

Mutauriri wemapurisa, Chief Superintendent Paul Nyathi, vari kukurudzira musikana uyu kuti auye kukamba yavo kuti awane rumbatsiro.

VaNyathi vanoti vakatotanga kuferefeta nyaya iyi uye vari kukurudzira veruzhinji vanoziva mafambiro akaita nyaya iyi kuti vaende kukamba yemapurisa iri pedyo navo.

Zvichakadaro, sangano reKatswe Sisterhood, iro rinomirira kodzero dzemadzimai riri kukurudzira mapurisa kuti vasunge nekuranga vanhu vakashungurudza musikana uyu.

Sangano iri rakabatana nemamwe masangano vakapinda mumigwagwa muna Gumiguru vachishora zvikurusei mahwindi, avo vavanoti vari kuwonesa vanhukadzi nhamo muHarare.

NeChishamu svondo rapera masangano anomirira kodzero dzemadzimai vari pasi pesangano reWomen's Coalition of Zimbabwe vakasangana muHarare vachizeya nzira dzekuyedza kumisa kushungurudzwa kwemadzimai nemahwindi.

Masangano aya akati ari kushanda nemapurisa mukutsvaga nzira dzekupedza hunhubu hunonzi huri kuitwa nemahwindi hwakanangana nevanhukadzi munyika.

Mukuru wesangano reKatswe Sisterhood, Muzvare Talent Jumo, vanoti sangano ravo richange richitanga chirongwa chekupa veruzhinji nhamba dzenhare dzekuridza nhare pasina mubhadharo kuitira kuti kana paine anenge aona madzimai achishungurudzwa awane rubatsiro.

Muzvare Jumo vanoti zvakakosha kuti mumwe nemumwe atore danho rake mukumisa kushungurudzwa kwemadzimai.

Muzvare Jumo vanoti pane anenge awona mudzimai achishungurudzwa ngaaridze nhare kumapurisa kana kutaurira masangano anorwira kodzero dzevanhukadzi munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG