Accessibility links

Breaking News

VaMagaya Vobatsira Kuvigwa kweVakafira muMbizo Stadium


Kwekwe
Kwekwe

Mutungamiri wekereke yeProphetic Healing Deliverance, Va Walter Magaya, vanoti vari kuchema neruzhinji rweZimbabwe pamwe nemhuri yemuKwekwe zvichitevera kushaya kwevanhu gumi nemumwe muguta iri neChina manheru.

Vachitaura nevatori venhau muKwekwe, VaMagaya vati vachabatsira mhuri idzi nemari yekuviga hama dzavo uye vacharamba vachitaurirana nemhuri idzi.

VaMagaya vanoti mhuri imwe neimwe ichapihwa chiuru chimwe chete chemadhora semari yekushandisa pakuviga vashaya ava.

Vanhu ava vakafa mushure mekunge kwaita kutsikirirana apo VaMagaya vapedza minamato munhandare ye Mbizo Stadium.

Vamwe vakaona zvichiitika vanoti kutsikirirana uku kwakakonzerwa nemapurisa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa sezvo mumwe mukuru mukuru wemapurisa, Inspector Emmanuel Mahoko, vakaramba kutaura vachiti havasisiri mutauriri wemapurisa kuMidlands.

Asi mutori wenhau dzeStudio7, Taurai Shava, anoti, uye guta reKwekwe riri kuchema zvikuru zvichitevera tsaona iyi.

Hurukuro naTaurai Shava
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:42 0:00

XS
SM
MD
LG