Friday, January 30, 2015 Local time: 08:20

Nhau dzeShona

Magweta eKodzero dzeVanhu Anoratidzira muHarare

x
Thomas Chiripasi
Magweta anodarika zana aratidzira muHarare neChitatu achiti haasi kufara nemabatirwo aari kuitwa nehurumende panguva yaanenge achiita basa rawo.

Magweta aya aungana muHarare Gardens ndokutanga kuratidzira akananga kudare reparamende kwaasiya gwaro renhuna dzavo.

Kubva paparamende, magweta aya aenda zvakare negwaro ravo renyunyuto kudare repamusorosoro, kumahofisi egweta guru rehurumende, kumahofisi egurukota rezvebazi remitemo, ndokuzopedzisira nekudare repamusoro.

Magweta aya asiyawo magwaro enyunyuto kuhofisi yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai.

Mutevedzeri wasachigaro wesangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu re Zimbabwe Lawyers for Human Rights, kana kuti ZLHR, Amai Precious Chakasikwa, vati magweta haasi kufara nemabatirwo avari kuitwa nehurumende panguva yavanenge vachiita basa ravo.

Izvi zvatsinhirwa nemutevedzeri wemunyori musangano re Law Society of Zimbabwe, Va Wilbert Mandinde.

VaMandinde vati vave kutyira kuti magweta achashungurudzwa zvakanyanya munguva yesarudzo idzo dzakatarisirwa kuitwa gore rinouya uye vakurudzira hurumende kuti iwone zvaingaite.

Mutungamiri weZLHR, Muzvare Irene Petras, vatiwo chinovarwadza ndechekuti hapana matanho ari kutorwa nehurumende kana vachinge vaenda nezvichemo kwairi.

Kuratidzirwa kwaitwa nemagweta aya, kuchitungamirwa nesangano reZLHR, kwanga kwakanangana nezuva rekucherechedza kodzero dzevanhu pasi rose iro richacherechedza neMuvhuro.

Magweta aya anoti hurumende inofanira kucherechedzawo mitemo yekunze inoona nezvekuchengetedzwa kwemagweta pamwe nemashandiro awo kuitira kuti magweta emunyika awanikwe achishanda akasununguka.

You May Like

Vhidhiyo VOA60 Africa

VOA60 Africa is a one-minute wrap of the past 24 hours' news and video from the African continent. It includes politics, weather, arts, culture and the extraordinary events that lead the headlines. Share and be informed - VOA60. Onai zvimwe

EU Yotanga Kupa Hurumende yeZimbabwe Mari yeBudiriro?

Mumiriri we EU muZimbabwe, VaPhillipe Van Damme, vanoti homwe yesangano ravo iyi ichabatsira Zimbabwe kwemakore mashanu. Onai zvimwe

Vagari Voratidzira muGweru

Mukuru mukuru werimwe sangano rinomirira vagari reGweru Residents and Ratepayers Association, VaCornelia Selipiwe, vanoti vagari havazi kufara nepamusoro pedanho rakatorwa nekanzuru rekuendesa vagari vane zvikwereti kumagweta. Onai zvimwe

African Union Yotsvaga Nzira Dzinopedza Matambudziko eAfrica

Musangano weAfrican Union wechimakumi maviri neina uri pakati muguta guru reEthiopia, Addis Ababa, uko mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe vari kutarisirwa zvakare kupiwa chigaro chasachigaro wesangano iri, uku varizve sachigaro weSADC Onai zvimwe
LiveTalk

LiveTalk

Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals can now listen to and participate in LiveTalk in real time. Click on the link below to listen to the LiveTalk program in progress (8:30-9:00 p.m. Zimbabwe time (1830-1900 UTC) Monday-Friday) and call our studio directly at 1-202-619-2077 to participate.

Schedule:

Monday-Friday

Local Time: 8:30-9:00 p.m.

UTC Time: 1830-1900

Duration: Weekdays: 30 minutes

 

Ndebele

Ndebele

Ndebele 1800-1830 Monday-Friday
Studio 7

Studio 7

Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days a week on AM, shortwave and satellite
 

Schedule: Monday-Friday, 7:00-9:00 p.m., Saturday-Sunday, 7:00-8:00 p.m., on Intelsat 10 repeats M-F 9-11 p.m.

Local Time: 7-9 p.m.

UTC Time: 1700-1900

Duration: Weekdays: 2 hours; Weekends: 1 hour

Listen: MP3

Nhau dzeShona

Nhau dzeShona

Nguva yeChirongwa Muvhuro-Chishanu

Nguva dzeChinomwe Manheru 19:00

UTC Time: 1700

Nguva yeChirongwa 30

Tererai МР3 | Windows Media