Accessibility links

Breaking News

VaPhillip Kudzayi Vopomerwawo Mhosva Yekuda Kupidigura Hurumende


Mukoma wemupepeti webepenhau re Sunday Mail, Edmund Kudzayi, VaPhillip Kudzayi, vamiswa pamberi pedare neChina vachipomerwa mhosva yakafanana neyemunin’ina wavo.

Va Phillip Kudzayi vamiswa vachipomerwa mhosva yekuronga zvekupidigura hurumende pamwe nekushambadzira mashoko anosvibisa zita rehurumende vachishandisa peji rinonzi Baba Jukwa riri pa Facebook.

Mutongi wedare, Va Vakayi Chikwekwe, vati musungwa agare muchizarira kusvikira musi wa 7Chikunguru pavakatarisirwa kudzoka kudare. Va Chikwekwe vatiwo musungwa aende kudare repamusoro kana achida kupihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso kudare repamusoro re High Court.

Izvi zvinotevera mashoko egweta rehurumende, Va Tawanda Zvekare, avo vati nyaya yakatarisana nemusungwa yakakura kwazvo zvekuti pamutemo hainganzwikwe namejasitiriti. Izvi zvabvumwa negweta remusungwa, Va Admire Rubaya.

Zvichakadai, chikumbiro chakasvitswa kudare naVa Edmund Kudzayi chekuti vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso chakatarisira kunzwikwa mangwana.

Mumapepa avo akasvitswa kudare muchikumbiro chavo, Va Edmund Kudzayi vanoti vakasungwa sezvo pane vamwe vakuru-vakuru vari mu Zanu PF vari kutyira kuti ivo Va Kudzayi vangangoshandisa hunyanzvi hwavo munyaya dzema computer kubuditsa pachena kuti vakuru-vakuru ava ndivo vaitumira mashoko kuna Baba Jukwa.

Va Kudzayi vari kuramba kuti havasirivo vari kuzviti Baba Jukwa pa Facebook.

Va Kudzayi vanoti vakanga vachishanda pamwe chete nebazi rinowona nezvekuchengetedzwa kwenyika pamwe nemapurisa kuti vatsvage kuti Baba Jukwa ndiani chaizvo uye vanoti vakasungirwa humbowo hwavakawana mutsvagiridzo yavaiita iyi vachishandisa hunyanzvi hwavo.

Mapepa ekupomera Va Edmund Kudzayi nemukoma ari pamberi pematare anoti vaviri ava vakange varonga kupandukira hurumende kana Zanu PF yabiridzira musarudzo dzakaitwa gore rapera.

Vakabatwa nemhosva, vaviri ava vanogona kutongerwa kugara mujeri kwehupenyu hwavo hwese.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG