Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Okurudzirwa Kuzokera Kuvavhu Kuti Anzwe Zvido Zvavo


VaArthur Gwagwa naVa Jeffrey Smith
VaArthur Gwagwa naVa Jeffrey Smith

Masangano akazvimirira akasangana muAmerica muWashington neChipiri pamusangano wekuzeya mabasa angaitwe nemasangano akazvimirira mukukurudzira hutongo hwejekerere muZimbabwe.

Musangano uyu wakarongwa neNational Endowment for Democracy yakabatana ne Robert F. Kennedy Center for Justice And Human Rights.

Chipangamazano che Zimbabwe Human Rights NGO Form mu London, VaArthur Gwagwa, vakaudza musangano uyu kuti masangano akazvimirira anofanirwa kudzokera kuvanhu kuti vanzwe zvido zvevanhu.

Vati pane zvisungo zvakaitwa nemasangano akazvimirira paakasangana muna 1999 muZimbabwe, uye zvisungo izvi hazvisi kuzadziswa nemasangano aya.

VaGwagwa vakaita ongororo yemafambisiro anga achiitwa mabasa nemasangano akazvimirira ega kubva gore ra 1999 kusvika pari zvino.

VaGwagwa vari muWashington umo vari kuita zvidzizvo pasi pechirongwa che Reagan-Fascell Democracy Fellow kwemwedzi mitanhatu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG