Accessibility links

Breaking News

Zvikwata Zvokweshana Mugovera neSvondo Maziso Ari paTsholotsho


Tsholotsho Pirates
Tsholotsho Pirates

Makundano enhabvu eCastle Lager Premier Soccer League ari kupinda munharaunda yechipiri panguva imwecheteyo Charles Manyuchi ari kupinda munhandare achidzivirira bhande rake reWorld Boxing Council.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Maziso ese ari pachikwata cheTsholotsho Pirates icho chakaita mashiripiti mushure mekudambura Harare City mumutambo wekutanga svondo rapera.

Chikwata ichi, icho chinobva mumaruwa eTsholotsho, chine mumwe mutoro mukuru apo chiri kusangana neHighlanders munhandare yeBaboursfields Stadium.

Kunyange hazvo chikwata ichi chichibva kuMatabeleland North, Tsholotsho Pirates pari zvino iri kushandisa Baborufields Stadium semusha wayo sezvo nhandare yavo ichiri kugadziriswa kuti ikwanise kutambirwa nhabvu yepamusoro soro.

Asi vaimbove mutevedzeri wemurairidzi wechikwata chemaWarriors, VaGishon Ntini, vanoti kunyange Tsholotsho yakakunda Harare City haina kutamba zvinonyanyodakadza vachiti ivo inorohwa chete neBosso.

Tsholotsho Pirates iri kutarisira kutevera Monomotapa, Gunners pamwe neMotor Action kuve chikwata chechina chidiki uyezve chisina mukurumbira kutora mukombe we Premier Soccer League.

Makore maviri apfuura zvikwata zvidiki zvichangopinda muPremier Soccer League zvakasvika pedyo pedyo nekutora mukombe mukuru uyu.

Mugore ra 2013, Harare City yakapotsa nepadiki kutora mukombe uyu mushure mekuve pamusoro soro kusvika musi wekupera kwemitambo apo yakazosiiwa nemapoinzi maviri neDynamos iyo yakatora mukombe.

Izvi zvakapotsa zvaitika zvekare apo chikwata cheZPC Kariba chakatungamira makundano aya kusvika zuva rekupedzisira zvekare apo yakazosiiwa nepoindi imwe chete neDynamos zvekare.

Asi VaNtini vanoti nguva yezvikwata zvidiki yekutyisidzira yakapera.

Triangle ndiyo iri pamusoro soro mushure mekunwisa zvibodzwa zvakawandisa apo yakarova Hwange nezvibodzwa zvishanu. Chikwata ichi chakananga kuVhengere Stadium uko chiri kusangana neBuffaloes.

Buffaloes iri kushandisa Vhengere Stadium sezvo nhandare yavo isati yatenderwa nePremier Soccer League pamwe neZimbabwe Football Association kuti itambirwe nhabvu yepamusoro gore rino.

Caps United, iyo iri padambudziko remari semakore ese, iri kusangana neFC Platinum iyo inorairidzwa naNorman Mapeza uyo aimborairidza maGreen Machine kare.

Harare City iri pamusha kwemasvondo maviri akateverana apo iri kusangana neChicken Inn. Kunyange yakarohwa ne Tsholotsho Pirates svondo rapera, VaTapera Mugoni, avo vanoti vanotsigira Dynamos vanoti mitambo ichiri kutanga saka vanhu vasadherere chikwata ichi.

Mushure mekurakashwa 5-2, Hwange yawana mukana wekugadzirisa izvi apo iri kusangana nechikwata cheZPC Kariba icho chakarova Highlanders svondo rapera.

Chikwata cheHow Mine chakananga zvekare kuVhengere kwaRusape kunosangana neDongo Sawmills. Zvikwata zviviri izvi zvakaita mangange mumitambo yavo yekutanga.

Vagari vemaRusape vanotevera nhabvu zvinotyisa uyezve gore rino ndiro rekutanga kubvira nhabvu yepamusoro yatanga munyika muna 1963 kuti nhandare yavo itambirwe mitambo inokosha iyi.

Mutambo pakati peFlame Lilly neHwahwa Prison ndiwo uchavhara musangano yemitambo yePremier Soccer League svondo rino apo zviri kusangana kuGwanzura Stadium.

Zvikwata zviviri izvi zviri pasi peZimbabwe Prison Services.

XS
SM
MD
LG