Accessibility links

Breaking News

Harare Yokurudzira Vanhu Kusarasira Marara Mupombi dzeMvura


Harare city
Harare city

Kanzuru yeguta reHarare inoti iri mushishi rekugadzirisa zvechimbi chimbi pombi dzinofambisa mvura inenge yanaya.

Kanzuru inoti iri kuita izvi senzira yekudzivirira kuti mvura isarasikire kwese kwese sezvakaitika pakanaya mvura mazuva mashoma apfuura.

Meya veHarare, Va Bernard Manyenyeni, vanoti vagari vemuguta iri vanofanirwa kusakanda marara mupombi dzinofamba nemvura sezvo pombi idzi dziri idzo dzinoita kuti dambudziko remafashamu emvura riderere.

VaManyenyeni, avo vakasarudzwa netiketi reMDC-T kuva meya weHarare gore rapera, vanoti kanzuru iri kushanda nevemadzisvondo, masangano akazvimirira pamwe nevagari vemuHarare paine chinangwa chekukoshesa hutsanana uye kuti vanhu vasarasire marara munzvimbo dzisingakodzeri.

Izvi zvikabudirira zvinoita kuti mapombi emvura afambise mvura zvakanaka kana yanaya sezvo anenge asingadzipwe nemarara.

Dzimwe nzvimbo muguta reHarare neMuvhuro dzaisafambika nevedzimota sezvo mvura yainge yakawanda ichotoita sekune mafashamu.

VaManyenyeni vanoti veruzhinji vanofanirwa kugadzirira kubvisa dzimota dzavo munzvimbo dzinojenga mvura kana panaya mvura yakawandisa

Asi vamwe vanoongorora mabasa ekanzuru vanoti dai kanzuru yagadzirisa dambudziko rekutakurwa kwemarara munzvimbo dzakasiyana siyana sezvaimboitwa kare.

Nyanzvi munyaya dzemvura nehutano dzinotiwo kana mvura ikanaya zvakasimba, inokukura marara ose ayo anozopedzisira avhara mapombi anofambisa mvura.

Nyanzvi idzi dzinoti mvura dzine tsvina dzikajengera, dzinokonzera zvirwere kuvanhu vanotsika mvura idzi.

Kunyange hazvo zvinhu zvakambenge zvashata muHarare apo Zanu PF yaitonga yega isina bato rakasimba raiipikisa, zvinhu zvakamboita nani muna 2000 apo meya weHarare vakapinda netikiti reMDC, Engineer Elias Mudzuri, vakatora matanho ekugadzirisa migwagwa nekutakurwa kwemarara.

Asi VaMudzuri havana kugara kwenguva yakareba vari meya weguta zvichitevera kubviswa kwavakaitwa pachigaro negurukota rezvematunhu, VaIgnatius Chombo, vachivapomera mhosva dzenhando.

Izvi zvakaita kuti kanzuru yeHarare ishande iri pasi pekomisheni yakadomwa naVaChombo iyo yaitungamirwa naAmai Sekesai Makwavarara.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG