Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vonetsakana muKudoma Zvichitevera Kutsakatika kweVarume Gumi Vanorwara nePfungwa


Vagari vemuKadoma vari kushushikana nevarume gumi vanorwara nepfungwa vakatsakatika mushure mekutorwa nemapositori vachinzi vari kuenda kunobatsirwa.

Varume vanorwara nepfungwa ava vanonzi vakatakurwa nemotokari nevaizviti mapositori avo vaiti vanobva muguta reNorton vachiti vaida kunovabatsira mukurwara kwavo.

Asi kwapera mwedzi mitatu pasina ari kuziva kuti vanorwara nepfungwa ava vari kupi uyezve kuti vari kubatsirwa here kana kuti vakatobatsirwa kare.

Mumwe mugari wemuKadoma achibva mumusha weRimuka, VaRobson Murota, vanoti ivo havana kuudzwa nemunhu zvakaitika asi kuti vakazvionera nemaziso avo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Baba vemumwe anorwara nepfungwa akatorwawo nemapositori aya, Sitefeani Songo, VaMalvias Songo, vari kuyeuka kuti izvi zvakaitika musi waani chaiwo kunyange hazvo ivo vaive vasipo.

Nyaya iyi yanetsa zvikuru muguta reKadoma zvekuti VaMurota vanoti vari kurwadzikana zvikuru sezvo pekutanga vaitarisira kuti varume ava vachabatsirwa nechimbi chimbi nevanhu vavaifunga kuti vanzwa tsitsi uyezve vanhu vamwari.

Mumwe wevakatorwa ndaVa Tapuwanashe Zuze, vanozivikanwa zvikuru mushure mekupedza makore anodarika makumi mana vachirwara nepfungwa uyezve vachingofamba famba mumusha weRimuka.

Mumwe mugari wemuguta iri, VaStabern Murambiwa, vanoti muhupenyu hwavo zviri kuratidza kuti pane chimwe chinhu chisipo sezvo vanga vajaira kuona VaZuze mazuva ose.

Muzvare Chipo Nyangoro avo vakakurira muKadoma asi vachigara muHarare vanoti kunyange vanhu vari kungotaura nezvenyaya iyi hapana zvavari kuita mukuendza kubatsira uyezve kuziva kuti varume vakatorwa ava vari kupi.

Asi VaSongo vanoti havasati vaendesa nyaya iyi kumapurisa sezvo vachiri netariro yekuti mwana wavo achadzoka abatsirwa.

Mumwe wemapositori aya, Madzibaba Willard Mhandu, vakasiya pavanobatika parunhare mbozha yavo apo vakatakura VaZuze.

Studio7 yataura naMadzibaba Mhandu asi vati ivo vanongovewo nhengo yesangano iri asi havasi rivo vanobatsira vanhu.

Madzibaba Mhandu vati havasi kuenda kumasowe pari zvino zvekuti havasi kuziva kuti zvekubatsirwa kwevakatorwa ava kwamire sei.

Madzibaba Mhandu vati vanowanika ivo kuNorton asi varamba kutaura kuti papi chaipo vachiti vatori venhau havatanderwi panzvimbo iyi.

XS
SM
MD
LG