Accessibility links

Breaking News

Vasori, Mauto neMapurisa Voyedza Kumisa Masangano Akazvimirira Kuratidzira muHarare


Vazhinji vanopanana maruva pazuva re Valentine.
Vazhinji vanopanana maruva pazuva re Valentine.

Sangano reJoint Operation Command kana kuti JOC iro rinounza pamwe chete mapurisa, vasori uye mauto nemusi weChina rakakoka kumusangano vakuru vesangano rinorwiea kodzero dzevanhu reZimbabwe Activists Alliance nechinangwa chekuda kuridzivisa kuratidzira muHarare.

Musangano uyu unonzi hauna chawabuditsa sezvo veJOC vanonzi vange vachibvunza mibvunzo isina kufadza vakuru vesangano iri zvapa kuti vabude pasina chawiriranwa.

Sangano reZimbabwe Activists Alliance rinoti richafora mumigwagwa yeHarare neMugovera kucherechedza zuva reValentine's Day.

Sangano iri rakamboratidzirawo muHarare muHarare richiti mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaPhelekezela Mphoko vabude muhotera yemuHarare yeRainbow Towers yavari kugara kubva gore rapera vachizviti vachiri kutsvaga imba inokodzerana navo.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano iri, muzvare Tendai Lynnette Mudehwe vanoti hurongwa hwavo hwekufora mumigwagwa vachicherechedza Valentine’s Day uhwu uchange uri pasi pedingindira rinoti “I Love My Zimbabwe”.

"Tichaenderera mberi nekuratidzira sezvo zvichibvumirwa pasi pebumbiro idzva remitemo yenyika. Tichange tichipa vanhu bhuku rebumbiro remitemo nemafurauzi kudzimara tasvika kuparamende muHarare," Muzvare Mudehwe vaudza Studio7. Muzvare Mudehwe vanoti vachashandawo nesangano reRestoration of Human Rights Zimbabwe nee Youth Advocacy for Reform and Democracy kana kuti YARD.

Zuva reValentine's Day rinocherechedzwa neSvondo musi wa14 Kukadzi.

Hurukuro NaMuzvare Tendai Mudehwe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG