Accessibility links

Breaking News

Vasungwa Vekune Dzimwe Nyika Voyaura Vari Mumajeri muZimbabwe


Zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvakasungirwa nyaya dzekutyora mitemo yekupinda nekubuda munyika muZimbabwe, zvinoti zviri kuyaura zviri mumajeri emuZimbabwe, sezvo hurumende isina hurongwa hwakajeka hwekudzosera vanhu ava kunyika dzavo.

Vachitaura nevatori venhau apo vakashanyira jeri reHarare Remand mukupera kwesvondo, zvizvarwa zvenyika dzakaita seDemocratic Republic of Congo, DRC, Uganda, Somalia neSouth Africa, zvinoti zvagara mujeri kwenguva iri pakati pemwedzi mitatu nemakore maviri uye hazvizivi kuti zvichadzoserwa riinhi kunyika kwazvo.

Mumwe wevanhu ava ndiVaEmmanuel Kenge, avo vanoti vanobva kuDRC, uye vakasungwa gore rapera muna Mbudzi pamwe nemunin’ina wavo nehanzvadzi yavo.

VaKenge vanoti vakaudzwa nevakuru vemajere kuti bazi rinoona nezvekupinda nekubuda kwevanhu munyika, ndiro richavadzorera kumusha kwavo. Asi vanoti kusvika pari zvino havasati vamboona vanhu vekubazi iri.

Mumwe wevanhu vari mujeri iri, VaSolomom Sambo, avo vanoti vanobva kuSouth Africa, vanotiwo vave nemwedzi yakati kuti vari mutirongo uye vari kushushikana kuti mhuri yavo haisi kutomboziva kuti vari mujeri muZimbabwe.

VaHasan Yusuf vekuSomalia vanochema vachiti havazivi kuti sei vari mujeri vachiti vakasungwa mushure mekunge vatsvaka hupoteri munyika.

Vanoti kana Zimbabwe isingadi kuvapa hupoteri, inofanira kuvasiya vadzokera zvavo kumusha kwavo.

Mutevedzeri wemukuru wemajeri munyika, VaAgrey Machingauta, vanoti harisi basa rebazi remajere kuendesa vasungwa kunyika dzavanobva, asi kuti ibasa rebazi rezvekupinda nekubuda munyika.

Studio7 haina kukwanisa kutaura nemukuru mubazi rezvekupinda munyika, VaClemence Masanga, kanawo gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Asi mukuru weAmnestry International - Zimbabwe, VaCousin Zilala, vanoti zviri kuitwa nehurumende kutyora kodzero dzevanhu ava. VaZilala vanoti vanhu ava vanofanira kudzorerwa kunyika dzavo nekukasika.

VaZilala vanotiwo hazvina kunaka kusunga vanhu vekune dzimwe nyika vanenge vachitsvaga hupoteri.

Mumajeri emuZimbabwe mune zvizvarwa zvekune dzimwe nyika mazana maviri nemakumi manomwe nezvina. Zana nemakumi maviri nevatanhatu ndivo vari kupika, kozoti vamwe vakamirira kutongwa kana kudzoserwa kunyika dzavo.

Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG