Accessibility links

Breaking News

Vatenderi veIslam Vodarika 1.2M muZimbabwe?


Chitendero chichi Moslem chinonzi chiri kukura zvakakomba munyika kunyange pasina huwandu hwevanhu vari muchitendero ichi hwakati tsvikiti.

Sachigaro we Islamic Supreme Council of Zimbabwe, Va Ishamael Duwa, vanoti vanhu vave kupinda chichi yechi Moslem vave kudarika miriyoni imwe chete nezviuru mazana maviri.

Kunyange hazvo chitendero ichi chaiwanzozivikanwa chiri chevanhu vanobva kunyika dzakaita seMalawi ne Zambia, Va Duwa vanotiwo pave nemarudzi akawanda muZimbabwe ave kutenda muchitendero chechi Moslem.

Vanotiwo pane vakuru vakuru muhurumende vanosanganisira makurukota ehurumende pamwe nevatongi vemudare repamusoro re High Court vave kupinda chechi yechi Moslem.

Mutungamiri webandiko rechechi iyi mu Mbare, Sheik Yusu Binali, vanoti veruzhinji vanga vasiri kunyatsonzwisisa nyaya yechitendero chechi Islam kubva pachakatanga kutevedzerwa mu Zimbabwe.

Va Binali vanoti chechi iyi yanga ichinyanyopindwa nevanhu vaigara mumadhorobha, mumapurazi pamwe nemunzvimbo dzine migodhi asi kushanduka kwakaita nyaya dzematongerwo enyika mumakore apfuura kwakaita kuti vanhu ava vapararire nenyika yose zvakabatsirawo kuti chitendero ichi chizivikanwe mune dzimwe nzvimbo munyika.

Mumwe mutenderi weIslam muGweru, Amai Yasim Milanzi, vanoti vakazvarwa mumhuri yemaKristu vakakura vachiteedzera zvechiKristu.

Asi vanoti vakazotendeuka kuve muMuslim mushure mekunge vakokwa kuchitendero ichi nehanzvadzi yaamai vavo.

Amai Milanzi vanoti chitendero cheIslam chakanakira kuti vatenderi vacho vanotenda kuti kuna Mwari mumwe chete chete.

Mumwe anopinda chechi iyi, Va Immam Haffiz Hassan, vanoti chitendero chavo chinokurudzira runyararo munyika dzese pasi rose.

Mumwewo anotevedzera chitendero ichi, Va Ibrahim Khan, vanoti pane zvimwe zvikoro zvisinganzwisise tsika dzechi Islam saka nokudaro vave kuendesa vana vavo kuzvikoro zvinenge zvichinzwisisa chitendero ichi.

Mudzidzisi wezvitendero zvakasiyana-siyana pa University of Zimbabwe, Amai Agnes Chiwara, vanoti kucherechedzwa kwave kuitwa zvitendero zvakasiyana-siyana nebumbiro idzva remitemo yenyika kwave kubatsirawo zvakare kuti veruzhinji vanzwisise chitendero chechi Islam.

Kunyange hazvo vari muchitendero chechi Moslem vachiti chitendero chavo chave kufarirwa nevanhu vakawanda munyika, tsvagiridzo yeStudio7 inoratidza kuti kune vanhu vakawanda munyika vasati vave kunyatsonzwisisa kuti chitendero ichi chakamirira chii.

Asi zviri pachena kuti chitendero ichi chiri kukura munyika kunyange hazvo masangano enhau asinganyanyoudzi veruzhinji nezvinoitika muchitendero ichi.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG