Tuesday, September 16, 2014 Local time: 02:54

Nhau / Mari-nehupfumi

VaBiti Vanoti Hupfumi hweNyika Huchakwira Gore Rinouya

VaTendai BitiVaTendai Biti
x
VaTendai Biti
VaTendai Biti
Blessing Zulu
Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanotiwo hupfumi hwenyika huchakura nezvikamu zvingangosvika zvipfumbamwe kubva muzana gore rinouya.

VaBiti vanoti kana zvinhu munyaya dzezvematongerwo enyika zvikaramba zvakagadzikana vanoona hupfumi hwenyika huchikura gore rinouya.

VaBiti vange vachitaura neChishanu pamusangano wekugadzirira bhajeti re gore rinouya ravari kutarisira kuparura musi wa15 Mbudzi.

Ukuwo sangano reZimbabwe National Statistical Office rinoti inflation yadzika kubva pa 3, 64%  kusvika pa 3,24 percent mumwedzi waGumiguru, izvo zviri kuonekwa nevamwe sechiratidzo chikuru chekuti zvinhu zviri kugadzirisika munyaya dzehupfumi.

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti nenyaya yesarudzo iri kutaurwa gore rinouya, havaone hupfumi hwenyika huchikura sezviri kutaurwa naVaBiti.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vaimbotungamira Confederation of Zimbabwe Industries, VaCallisto Jokonya, vanoti zvinonetsa kuti hupfumi hukure nenyaya yesarudzo iri kutaurwa sezvo vemabhizinesi vachida kutanga vaona kuti nyika iri kuenda kupi mushure mesarudzo vasati vadyara mari dzavo munyika.

Hurukuro naVaCallisto Jokonya
Hurukuro naVaCallisto Jokonyai
|| 0:00:00
...
 
🔇
X

Chirongwa

Facebook