Friday, October 31, 2014 Local time: 19:53

Nhau / Mari-nehupfumi

Hurumende Yotadza Kusajekesa Chirongwa Chekuendesa Hupfumi kuVatema

x
Blessing Zulu
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika nehupfumi dzinoti hadzisi kufara nenyaya yekuti mazita evanhu vari kuwana zvikamu mumakambani ari kutorwa nehurumende pasi pechirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema haasi kuburitswa.

Izvi zvabuda pachena nhasi mushure mekunge kambani yeUnki Mine yati yave kupa zvizvarwa zveZimbabwe zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana. Kambani iyi inonzi yapa zvikamu kuTongogara Community Trust, vashandi vayo uye vamwe  vasiri kuzivikanwa asi vari kungonzi vatema vachabatsira neruzivo.

Mamwe matsamba anonzi atangawo kunyorwa kumakambani akaita setongaat hulet yekusouth africa ine minda yenzimbe kuHippo Valley nekuTriangle vachiziviswa nezvezvkamu zvinofanirwa kutorwa pasi pechirongwa ichi .

Tsamba yakanyorwa kukambani iyi inoti mazuva aya akapfuura zvinenge zvabuda pachena kuti kambani iyi haisi kuda kuita bhizimisi muZimbabwe.

Studio 7 haina kukwanisa kubata gurukota rezvekuendeswa kwehupfumi kuvatema, VaSavior Kasukuwere, asi hatina kukwanisa kuvabata. Asi mutevedzeri wavo, VaTongai Matutu, kuti tinzwe zviri kuitika vati chirongwa chekuendesa hupfumi kuvatema hachina kunyatsojeka.

Kunyangwe veMDC vari kuti Zimbabwe iite pore pore panyaya yekutora makambani, mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vanoti hapana kudzokera kumashure panyaya iyi.

Hurukuro naVaTongai Matutu
Hurukuro naVaTongai Matutui
|| 0:00:00
...
 
🔇
X
  • LiveTalk
    30 min

    LiveTalk

    Zimbabweans living outside the country who cannot receive our broadcast signals...

  • Studio 7
    30 min

    Studio 7

    Studio 7 for Zimbabwe provides comprehensive and reliable radio news seven days...

Facebook