Accessibility links

Breaking News

EU Yobatsira Madzimai Akazvitakura muZimbabwe


Bazi reEU rakapa bazi rehurumende rehutano mari inosvika mamiriyoni makumi mana nematatu kuti iyamure kurapwa kwemadzimai akazvitakura, kuongororwa kwavo nguva yavanenge vakazvitakura uye kurapwa kwevana vanemakore mashanu zvichidzika.

Mari iyi yakaiswa mudura remari yezvehutano yeHealth Development Fund (HDF).

Mari iyi inotarisirwa kushandiswa mumakore matatu anotevera kusvika muna 2018. Bazi reEU rakatanga kupa Zimbabwe mari dzezvehutano hwemadzimai akazvitakura nevana vari pasi pemakore mashanu kubva mugore ra2011.

Vachitenda basa ririkuitwa neEU kudurikidza neUNICEF pagungano raakaitwa muChinhoyi svondo rapera Amai Midia Mombe vanobva kuHurungwe vanoti vave kurapwa pachena kana vakazvitakura.

Amai Mombe vanoti vanga vave kutya kuzvara nekutyira hutano hwavo kana vakazvitakura.

Amai Serevina Charima vanogara kuTwo Tree kuMakonde vanoti vakayamurika zvikuru nekuti havana kubhadhara mari yemateneti uye mwana wavo akatariswa nenguva pasina mari yavakabhadhara.

Amai Charima vanoti izvi zvakakosha sezvo madzimai akawanda vanga vave kusunungukira mudzimba.

Amai Charima vanoti vanofara nekuti vave kubhadharirwa mari dzekufambiswa nenhakura varwere pamwe nekuvhiyiwa kana zvanetsa pakusununguka.

Asi kunyange hazvo mamwe madzimai asisabhadhare chakashamisa vanhu vakawanda ndechekuti mamwe madzimai ari kumanikidzwa kubhadhara mari dzemateneti pamwe neye kugara muchipatara cheChinhoyi.

Amai Angelina vanoti vakabhadhariswa mari yemateneti pachipatara cheChinhoyi.

Mamwe madzimai ari kumanikidzwa kubhadhara mari dzemateneti dzinosvika madhora makumi maviri.Vanozobhadharawo madhora mapfumbamwe pazuva pamazuva avanenge vari muchipatara.

Asi vachitaura nevetapi venhau paungano iyi mukuru wechipatara cheChinhoyi vaCollet Mawire vanoti mari inobhadharwa nemadzimai anenge akzvitakura ndeyekutenga zvinhu zvinoshandiswa pakusunuka chete.

Vachitaura paungano iyi mukuru anoona nezvehutano hwemadzimai akazvitakura mudunhu reMashonaland West Dr Justin Mudavanhu vanoti vanoshushikana zvikuru nekuda kwekuti madzimai matanhatu anofa pazuva rega rega achibatsirwa munyika.

Gurukota rezvehutano nekuchengetwa kwevana Dr David Parirenyatwa vanoti vanofara nemari yavakapiwa iyo inoyamura kuti muzvipatara muwanikwe vanachiremba.

VaParirenyatwa vanoti pachipatara chega chega pane vanachiremba vatatu zvichikwira kudurikidza ne HDF.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG