Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yozeya Mutemo Unobharisa Mazana Mashanu Kune Vanoputira Fodya Paruzhinji


Hurongwa hwehurumende hwekuda kudzika mutemo uchakonzera kuti vaputi vefodya vasabvumirwe kuputira paruzhinji hwakonzera mutauro kubva kune veruzhinji munyika.

Hurumende ine hurongwa hwekuwunza bhiri kuparamende richange richisungira vaputi vefodya kuti vasaputire fodya pane veruzhinji.

Pasi pebhiri iri, munhu anenge abatwa achiputa fodya paruzhinji achange achisungirwa kubhadhara mazana mashanu emadhora semari yefaindi kana kugara mujeri kwemwedzi mitanhatu.

Vaputi vefodya vakaita saVaFibion Munhuwa vanogara mumusha weEpworth vanoti havasi kuzofa vakaregedza kuputa fodya kunyangwe mutemo uyu ukadzikwa vachiti vanonzwa parere moyo kana vachinge vaputa fodya.

Asi VaNigel Gwekwerere vanoti kuputira fodya paruzhinji kunokanganisa hutano hwevasingapute zvikurusei kuvana nemadzimai akazvitakura nokudaro vanoti vanotambira nemawoko maviri hurongwa hwehurumende uhwu.

Izvi zvatsinhirwa naVaMalvern Samhembere vanogara mumusha we Kuwadzana muno muHarare. VaSamhembere vanoti hapana chinovaka muviri chinowanikwa mufodya.

Amai Gladys Runyowa vanogara mumusha we Greendale vanoti vanhu vasingapute fodya vazhinji vanobata zvirwere zvakanyanya kudarika vanhu vacho vanenge vachiputa fodya.

Asi mugari wekubudiriro, VaClayton Ndlela vati zviri kutaurwa nehurumende hazvina musoro sezvo Zimbabwe iri imwe yedzimwe nyika dzinorima fodya yakawanda pasi rose. VaNdlela vanoti Zimbabwe haifanire kutomborima fodya zvachose kana vasingade kuti fodya iputwe.

Zvichakadai, VaAlbert Chidhakwa vanoti faindi iri kutaurwa nehurumende yakawandisa kana pakatariswa mari dzemihoro dziri kutambirwa nevanhu vazhinji munyika.

Zvataurwa nava chidhakwa zvatsinhirwa naVaTichaona Murandu avo vanogara mumusha weHatcliffe muHarare.

VaMurandu vanoti zviri kurongwa nehurumende izvi kuita kwehurumende yapererwa irikuedza kutorera veruzhinji twumari twushoma twunenge twuri muhomwe dzavo.

Vanoti kunyangwe hazvo vari munhu asingapute fodya, mari iri kutaurwa nehurumende yakawandisa zvikuru.

Zvichakadai, muzvare Faith Musarurwa avo vakakwikwidza musarudzo dzeparamende ku muzarabani vakamirira MDC-T vanoti vari kutambira hurongwa hwehurumende uhwu asi hurumende inofanira kutanga yatara nzvimbo dzinobvumidzwa kuti vanoputa vaputire kwete kungodzika mutemo isati yaongorora zvinhu zvakadai.

Makambani anogadzira fodya akatonyorawo pazvipepa zvinenge zvine fodya kuti fodya inogona kukanganisa hutano.

Dzimwe nyika dzakawanda pasi rose kusanganisa america hadichabvumidze kuti fodya iputirwe pose-pose. Mukuru anowona nezvezvinodhaka mubazi rezvehutano, amai Dorcas Sithole vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti hurumende iri kuedza kudzivirira veruzhinji kuti vasabatwe nezvirwere zvinokonzereswa nefodya vachiti vanhu vakawanda vari kubatwa nezvirwere zvegomarara remumapapu.

Amai Sithole vanotiwo bazi ravo rakamirira kupasiswa kwebhiri re national alcohol control policy kuti hurongwa uhwu hutange kushanda.

Vanotiwo kudhakwa nekuputa zvakanyanyisa ichange iri mhosva pasi pemutemo uyu kana uchinge wapasiswa.

Mutemo uyu uchange uchipawo huwandu hwedoro richabvumidzwa kutengeserwa munhu mumabhawa.

Amai Sithole vanotiwo Zimbabwe inofanirwa kuita zvinhu zvakaringana nezvakatarwa nesangano re World Health Organization maererano nekuputwa kwefodya zvichitevera kusaina kwakaitwa ne Zimbabwe muna kurume wegore rino kuve nhengo yebazi re who rinowona nezvekuputwa kwefodya zvine mwero.

WHO inoti vanhu mamiriyoni matanhatu vanofa pagore nenyaya yezvirwere zvakanangana nekuputa fodya.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:09:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG