Accessibility links

Breaking News

Vanhu Mamiriyoni Maviri Votarisana neNzara Munyika


Dare remakurukota riri kutarisirwa kuwedzera huwandu hwevanhu vanoda rubatsiro kubva pamiriyoni imwe chete nemazana matanhatu kusvika pamamiriyoni maviri.

Zimbabwe Vulnerability Assessment Committee, kana kuti ZIMVAC, iyo inoongorora mamiriro akaita zvinhu munyaya dzechikafu yainge yamboti vanhu vanosvika miriyoni imwe chete nemazana mashanu ndivo vanoda chikafu.

Asi zvinonzi kuMashonaland Central kwaifungidzirwa kuti kune chikafu kunenge kusina kumira zvakanaka. Dzimwe nzvimbo dziri kunyanya kunetsa zvekudya iMatabeleleand North, Matabeleland South neMasvingo.

KuMasvingo chete gavhuna wedunhu iri, VaTitus Maluleka, vaudza bepanhau reHerald kuti vanhu vanodarika zviuru mazana mana vanoda rubatsiro sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyaya dzechikafu.

Sangano reWorld Food Program, WFP, iro riri kubatsira nechikafu rinoti riri kuyedza kutsvaga nesimba mari nechikafu zvekubatsira vanhu vari kuziya nenzara vanosvika mamiriyoni matatu nemazana mashanu kuchambembe kweAfrica, zvikuru muZimbabwe nemuMalawi.

Mutevedzeri wemukuru we WFP kuchamhembe kweAfrica, Amai Brenda Barton, vanoti nzara iriko gore rino haisati yamboonekwa.

Asi WFP inoti zviri kunetsa kuti iwane rubatsiro kubva kunyika dzinosimbobatsira sezvo hupfumi hwenyika dzakaita seamerica nedzekumawirira husina kumira zvakanaka.

Mumwe mugari wekuMasvingo kwaNemamwa, anoda kudaidzwa kuti VaD. Sithole, anoti vanhu munharaunda yavo vari kunonga svosve nemuromo nepamusana pekutambura.

Gurukota rezvemabasa nekugara kwakanaka kwevanhu, Amai Paurina Mpariwa Gwanyanya, vanoti vari kushanda nevanopa rubatsiro kuyamura vasina zvekudya.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG