Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotora Matanho Kuitira Kuti Mari Iri Kunze Zvisiri paMutemo Idzoke


VaJohn Mangudya
VaJohn Mangudya

Bhanga guru renyika razivisa neChitata kuti pane matanho ari kutorwa kudzora mari dzakabudiswa kunze kwenyika zvisiri pamutemo, uye imwe yemari yacho yakatodzoka munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzehupfumi dzinoti dzinotyira kuti hurumende ichatadza kudzora mari yese yakabuda munyika zviri kunze kwemutemo sezvo mari iyi yakaburitswa nevanhu vane chekuita nezvematongerwo enyika.

Vachitaura muHarare mushure mekubuda kwenyaya yekuti pane zvizvarwa zvemuZimbabwe zvaichengeta mamiriyoni mazana maviri nemakumi manomwe emadhora mubanga reHSBC kuSwitzerland, iro riri kunzi raishanda richityora mitemo yekufambiswa kwemari zvakanaka pasi rose, mukuru weReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, vati hurumende iri kutora matanho ekuona kuti mari dzakaburitswa zviri kunze kwemitemo yadzorwa munyika.

VaMangudya vati patori nehurongwa hwekudzora mari idzi, uye dzimwe dzemari dzakaburitswa zviri kunze kwemutemo, dzatova munyika.

VaMangudya vazivisa kuti mamiriyoni zana emadhora ange iri kunze kwenyika zviri kunze kwemutemo yakatodza zvichitevera zvisungo zvebhanga ravo zvekuregerera nekupa mukana kune avo vari kuchengeta mari kunze zvisiri pamutemo kuti vaidzore.

Vati mamiririyoni makumi matanhatu nemasere emari iyi akatodzoka uye bhanga ravo riri kuramba richitaura nevanhu nemakambani anochengeta mari zviri kunze kwemutemo kuti adzore mari iyi.

Asi varamba kutaura zvakawanda pamusoro penyaya yeHSBC vachiti pari zvino vachiri kuongorora kwakabva mari yevanhu vanonzi vaichengeta mari kubhanga iri.

Pasi pemutemo zvizvarwa zvemuno zvinoshanda kunze kwenyika zvinobvumidzwa kuchengeta mari kunze kwenyika.

Asi mutemo haubvumidze kuti vanoshandira munyika kana vemabhizimisi emuZimbabwe vachengetedze mari kunze kwenyika vasina kupihwa mvumo neRBZ.

Imwe nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vakamboshanda kubazi rezvemari, VaMasimba Manyanya, vati mari iyi ichanentsa kudzoka kwayo.

Vati izvi zvaiitwa nevakuru vakuru muhurumende nemunyaya dzezvematongerwo enyika uye hapana anokwanisa kuti vadzore mari idzi.

Vatiwo panofanira kudzikwa mitemo inopa masimba kubhanga guru renyika kuitira kuti rinongorore mapindiro nemabudiro emari munyika.

Vamwe vanoongorora nyaya dzehufpumi uye vachishanda vakazvimirira, VaJames Johwa, vaudza Studio7 kuti zvinotoda kuti veRBZ kuti vasunge dzisimbe kuti mari iyi idzoke kumusha.

Asi VaMangudya vati vane mari dzichiri kunze vanosanganisira vaye vasina kuunza mari mushure mekutengesa zvinhu kunze kwenyika, vakatanga kuchengeta mari kunze kwenyika vasina mvumo yeRBZ pamwe nevaya vaiita bhizimisi munyika asi vachinochengeta mari yavo kunze kwenyika.

VaMangudya vati pave nezvizvarwa zvakawanda zvemuZimbabwe zvinogara kunze kwenyika uye zvizhinji zvavo zvave kutumira mari kumusha.

Vati mari inotomirwa nezvizvarwa zviri kunze kwenyika yakakwira kusvika pa$840 million gore rapfuura, kubva pa$790 million muna 2013.

XS
SM
MD
LG