Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoparura Chirongwa Chekudzivirira Vanasikana Chirwere cheGomarara


Sangano re Cancer Association of Zimbabwe rinoti riri kutambira nemufaro chirongwa chehurumende chakaparurwa neChipiri chekubaya vanasikana vane makore gumi nhomba yekudzivirira gomarara remuromo wechibereko.

Gurokota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, ndivo vakaparura chirongwa ichi ku Beitbridge.

Pasi pechirongwa ichi vanasikana vane makore gumi vanosvika zviuru zvipfumbamwe vachabaiwa nhomba ye Human Papilloma Virus, (HPV).

Pari zvino bazi rezvehutano rinoti richabaya vasikana vanodarika zviuru zvina nemazana mana kuMarondera neBeitbridge chirongwa ichi chisati chapararira kune dzimwe nzvimbo munyika.

Maneja wezvirongwa zvehutano musangano re Cancer Association of Zimbabwe, Amai Patience Nyemba, vanoti sangano ravo riri kufara nehurongwa uhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG