Accessibility links

Breaking News

Vatsigiri veZanu PF Vanorwisa Vatsigiri veTransform Zimbabwe muHighfield?


Zanu PF Youths
Zanu PF Youths

Paita mhirizhonga pakati pevechidiki ve Zanu PF pamwe nevechidiki vebato rinopikisa re Transform Zimbabwe mumusha we Highfiled neChishanu.

Nhengo yekomiti yepamusoro ye Transform Zimbabwe, avo vanga varipo paitika izvi, Va Tangai Takaruza, vanoti vanga vane musangano nevatsigiri vavo panokwirirwa mavbhazi pa Western Triangle pasvika vechidiki ve Zanu PF avo vavati vasvika vakatakura zvombo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Va Takaruza vati mutungamiri webato ravo, Va Jacob Ngarivhume, ndivo vanga vcachifanira kuzotaura pamusangano uyu asi izvi zvazotadziswa nemhirizhonga yaitika iyi.

Va Takaruza vati vechidiki ve Zanu PF ava vanga vachitungamirwa naVa Psychology Maziwisa, avo vari kukwikwidza vakamirira bato iri mu Higfhfield West.

Vaenderera mberi vachiti pane vakawanda vakuvara mumhirizhonga uye vamwe vavo vaendeswa kuchipatara.

Va Takaruza vati vasvitsa nyaya iyi kumapurisa asi hapana ati asungwa kunyangwe zvazvo nhengo dzeZanu PF idzi dziri kuzivikanwa nemapurisa.

Va Maziwisa vati varamba kuti vakonzeresa mhirizhonga vakati kana kwaitika mhirizhonga vakanganisirwa ngavaende kunomhangara kumapurisa.

Mapurisa anoti achiri kuferefeta zvaitika.

XS
SM
MD
LG