Accessibility links

Breaking News

Mapisiro eKunze Ovhiringa Zvirimwa, Vanhu neZvipfuyo

heat wave
heat wave

Sangano remuAmerica rinoongorora nyaya dzechikafu re Famine Early Warning Systems Network, Fewsnet, riri kuyambira mugwaro raro rakabuda svondo rino kuti kupisisa kwekunze nekusanaya kwemvura kwatopa kuti zviri kutarisirwa kubuda mugoho remwaka wa 2015 na 2016 zvideredzwe zvakanyanya.

Kupisisa zvinopfurikidza mwero kwekunze kuri kuitika muZimbabwe nedzimwe nyika dziri kuchamhembe kweAfrica, kwave kukanganisa zvikuru vanhu, zvirimwa uye zvipfuyo.

Sangano remuAmerica rinoongorora nyaya dzechikafu re Famine Early Warning Systems Network, Fewsnet, riri kuyambira mugwaro raro rakabuda svondo rino kuti kupisisa kwekunze nekusanaya kwemvura kwatopa kuti zviri kutarisirwa kubuda mugoho remwaka wa 2015 na 2016 zvideredzwe zvakanyanya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sangano ravana mazvikokota munyaya dzekunze nekurima iri rinotiwo mvura iri kutarisirwa kuva shoma zvikuru zvichapa kuti chikafu chinetse kana negore rinotevera.

Ku South Africa, sangano revashandi reCongress of South African Trade Unions, Cosatu, raburitsawo mashoko richikurudzira vashandirwi kuti vadzivirire vashandi kubva mukupiswa zvakanyanya nezuva zvikuru mumakambani anobika chingwa, ekurima uye kuvaka.

Cosatu inoti vashandirwi vanofanira kudzivirira vashandi ava.

Mukuru anoona nezvemamiriro ekunze mubazi re meteorological services department, VaTich Zinyemba, vanoti kupisa zvakanyanya kuri kuitika munyika hakuna kunakira vanhu asi vati dzimwe nzvimbo, zvikuru kuchamhembe kwenyika, dzingangowana donhodzo neMugovera

XS
SM
MD
LG