Accessibility links

Breaking News

Madzimai Ane Dambudziko reChirwere Chedundiro Orapwa kuChinhoyi


David Parirenyatwa
David Parirenyatwa

Chipatara chemuChinhoyi chakaunza mufaro wakanyanya kumamwe madzimai emunyika ange aine dambudziko rechirwere chekutsemuka kwechirwere chedundiro zvaipa kuti vatadza kushanda.

Madzimai makumi maviri nevashanu ayo ainga vakatsemuka dundira akazorapwa navanachiremba anoti ainge obatwa seakageza negoka munyama nevamwe munharaunda mavagere.

Mumwe wemadzimai akabva kuBocha, kuManicaland uyo anoda kudanwa nezita rekuti Getrude anoti azere nemufaro uye anotarisira kushandawo semamwe madzimai.

Vamwe vakati vanoda vanobva kuKwekwe vakati anoda kunzi amai Susan anoti
vakagara nechirwere chekubuda mvura kwemakore gumi nemaviri. Vanoti parizvino vave kunzwa zviri nani uye vanotarisira kuitawo zvinoitwa nemamwe madzimai.

Mumwe wemadzimai akarapwa mai Moyo vanoti dambudziko rekungorasa rasa mvura raivatadzisa kushanda izvo zvaiita kuti vagare hupenyu
hwekungogara pamba.

Vazhinji vemadzimai ariku rapwa vanoti vakanzwa nezvechirongwa
chekurapwa dundiro panhepfenyuro yeStudio 7. Amai Getrude mumwe
wemadzimai akanzwa chirongwa ichi panhepfenyuro yeStudio 7 uye vanoti varikufara zvikuru nekurapwa kwavakaitwa.

Mumwe mudzimai achiri akamirira kuvhiyiwa anoda kuzivikanwa saamai Mhofu anoti arikutarisira kuti dambudziko rake richapera sezvo varikuona vamwe vachirapwa.

Vari kuona nezvechirongwa ichi paChinhoyi vachishanda nesangano reWomen and Health Alliance International, WAHA muzvare Fortune Mabhande vanoti vachawedzera mazuva mana kuti vapedze kuvhiya vose vakanyoresa. Chirongwa ichi chave kutarisira kupera nemusi weChishanu.

Pari zvino chirongwa chekurapa dundiro chiri kungoitwa pachipatara chemuChinhoyi apo panotarisira kurapwa madzimai makumi mana nevashanu. Hurumende iri kubatsirana ne sangano re WAHA mukubatsira madzimai aya.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG