Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inonzi Haisati Yapindura Magwaro Akakwidzwa Mudare rePamusoro naVana Chiremba


VaDavid Parirenyatwa
VaDavid Parirenyatwa

Gurukota rinoona nezvehutano, Dr David Parirenyatwa, nemunyori mukuru mubazi ravo, Dr Gerald Gwinji, vanonzi havasati vapindura magwaro ari kudare repamusoro akaendeswa navanachiremba vachiti danho ravakatora rekuvabvisira mari dzemihoro mushure mekuratidzira rainge risiri pamutemo.

Kuratidzira uku kwakapfuura mavhiki maviri uye kwakatanga muna Gumiguru kukazopera muna Mbudzi.

Vanachiremba vainge vakanda mapadza pasi vachiti havasi kufara nemari dzavaitambiriswa uye kushaya zvikwanisiro zvekushandisa.

Sangano reZimbabwe Hospital Doctors Association rinoti vanachiremba vakabatirwa mari dzinopfuura mazana mashanu emadhora.

Gweta ravanachiremba ava, VaEmmanuel Samundombe, vanoti zvakaitwa nehurumende zvekubvisira vanachiremba mari kutyora bumbiro remitemo.

Hurukuro naVaEmmanuel Samudombe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi hurumende mutsamba yakanyorwa naDr Gwinji yakaudza vanachiremba ava kuti kuratidzira kwavo kwainge kusiri pamutemo nekudaro vaizobatirwa mari sezvinoitirwa vanenge vaenda havo pazororo risiri pamutemo.

Hurumende yave nemakore ichinetsana navanachiremba nenyaya yemari dzavanotambira asi dambudziko iri harisi kupera.

XS
SM
MD
LG