Accessibility links

Breaking News

VanaChiremba Vodzokera kuMabasa


David Parirenyatwa
David Parirenyatwa

Kuramwa mabasa kwaana chiremba, uko kwanga kwapinda musvondo retatu kwakapera neChina mushure mekunge vawirirana nehurumende pane zimwe zvavange vachinetsana.

Izvi zvinotevera kuwirirana pakati pehurumende nesangano rinomirira ana chiremba reZimbabwe Hospital Doctors Association kuti hurumende igadzire mari dzaana chiremba dzemihoro pamwe nezvimwe zvichemo zvavo.

Zimbabwe Hospital Doctors Association yakaita musangano nenhengo dzayo kuchipatara cheParirenyatwa neChina pakabvumirana kuti vadzokere kumabasa kunyangwe hazvo hurukuro nehurumende dzichirikuenderera mberi.

Nhengo idzi dzinoti dzashushikanawo zvikuru nedambudziko ranga raakusangana nevarwere muzvipatara zvehurumende sezvo kwanga kusina ana chiremba vekuvarapa.

XS
SM
MD
LG