Vana chiremba vadiki nevepakati vanosvika mazana mana vatanga neMuvhuro kuramwa mabasa vachida kuti hurumende iwedzere mari dzavanotambira.
Vana chiremba ava vari kudawo kuti hurumende igadzirisewo zvipatara zvavanoshandira.
Asi kuratidzira uku kwauya panguva yakaoma sezvo nyika dzepasi rino dziri kugara dzakagadzirira kudambudziko rechirwere che Ebola iro rauraya vanhu vanodarika zviuru zvina nemazana mapfumbamwe zvikuru kunyika dziri kumawirira kweAfrica dzakaita seLiberia, Guinea and Sierra Leone.
Hapana kana munhu mumwe chete ati abatwa nechirwere ichi muZimbabwe kunyange pari kudiwa gadziriro yakasimba.
Mukuru weZimbamwe Hospital Doctors Association, Dr Fortune Nyamande, vanoti vana chiremba vari kuramwa mabasa muzvipatara zvinoti Parirenyatwa, Chitungwiza, Harare Central, United Bulawayo Hospitals neMpilo.
Vana chiremba vanoti vakapa hurumende masvondo maviri ekugadzirisa matambudziko avo asi zvakakona n’anga murapwa achida. Hurumende iri kuti haina kana kobiri rekuwedzera vashandi mari.
Vana chiremba vanoti vari kuda kuti mari dzavanotambira kana kuti basic salary dziwedzerwe kubva pamazana maviri nemakumi masere ane madhora maviri pamwedzi kusvika pachuru nemazana maviri emadhora pamwedzi.
Vamwe vana chiremba vanotiwo kubva zvatanga kuratidzira uku vari kutyisidzirwa nevanofungidzirwa kuti vasori.
Asi hapana humbowo hwakati tsvikiti nezvenyaya iyi.
Mutungamiri weZimbabwe Hospital Doctors Association – Bulawayo Chapter, Dr Emmason Pazara, vanoti havasi kuzodzokera shure kusvika zvichemo zvavo zvazadzikiswa.
Asi sachigaro webhodhi reHealth Service Board, Dr Lovemore Mbengeranwa, vanoti kuratidzira uku hakusi pamutemo.