Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheGomarara Chonetsa muNyika


VaDavid Parirenyatwa
VaDavid Parirenyatwa

Chirwere chegomarara muZimbabwe chiri kuramba chinetsa vamwe vachiti hurumende nevanobatsira vari kunyanya kutarisa kuchirwere cheHIV/AIDS.

Kumadzimai gomarara remuromo wechibereko ndiro ranyanya kunetsa.

Kuvarume gomarara riri kubata ndere panhengo dzechirume kana kuti prostate cancer. Vanawo vakawanda munyika vari kubatwawo nechirwere ichi.

Izvi zvakapa kuti gurukota rezvehutano, Dr David Parirenyatwa, vaparure chirongwa chekudzivirira gomarara muvanasikana vari pamakore ari pasi pegumi kuMarondera neBeitbridge.

Chirongwa ichi chichaitwawo mumativi mana enyika.

Asi vana mazvikokota vanoti vanhu vakakurumidza kuenda kunovhenekwa vanokwanisa kurapwa. Vanhu vari kukurudzirwawo kuti vadye zvinovaka muviri uye kupota vachizvigwinyisa muviri nekumhanya nekuita zvimwe zvakaita sekufamba nekumhanya mhanya.

Mazvikokota munyaya yekurapa chirwere chegomarara, Dr Bennadet Ndoro, vanoti munyika muri kuda dzidziso yakasimba munyaya yechirwere chegomarara.

Mashoko aya atsinhirwawo nemukuru weCommunity Working Group on Health, VaItai Rusike vesangano, avo vanoti zvakakosha kuti hurumende iite zvimwe chete zvayakaita pachirwere cheHIV/AIDS mukurwisa chirwwere chegomarara.

XS
SM
MD
LG